Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vakazivisa nezuro kuti mumwe anonzi anopfurikidza mwero wechikwata cheISIS- K, Muhammed Sharifullah ainge abatsira kuuraya mauto eAmerica gumi nematatu kuAfghanistan muna 2021. Sharifullah anonzi asvika muAmerica nhasi kuti amiswe pamberi pedare.
Kuurayiwa kwemauto eAmerica kwakaitika panhandare yeAbbey Gate muKabul apo mauto eAmerica ainge ave kubuda muAfghanistan pakapera hondo.
Sharifullah uyo anozvikinwawo nerekuti Jafar akasungirwa muPakistan pedyo nemuganhu neAfghanistan. Muhammed Sharifullah akabatwa nevasori vemuPakistan vachishanda neveFBI vemuAmerica.
Zvinonzi paakasungwa muPakistan, chikwata cheFBI chakaenda kunotaura naye mukupera kwesvondo akati ainge aine chekuita nekuurayiwa kwemauto eAmerica. Mukuru wechikwata ichi Sanaullah Ghafari achiri kutsvagwa.
Kuurayiwa kwemauto eAmerica uku kwakapa vamwe kuti vashore zvakanyanya vaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden avo vakanzi vakakurumidza kubuditsa mauto munyika iyi pasina hurongwa hwakati tsvikiti.
Forum