Accessibility links

Breaking News

Musika weFodya Wavhurwa Zviri Pamutemo Nhasi muHarare


Tobacco Auction Floors
Tobacco Auction Floors

Musika wekutengesa fodya wavhurwa zviri pamutemo nhasi fodya yemhando yepamusoro ichitengwa nemadhora mana nemakumi mapgumbamwe nemashanu kana kuti US$4.65 zvichienzaniswa nemadhora mana nemakumi mapfumbamwe nemaviri kana kuti US$4.35 pakirogiramu gore rapera.

Gurukota rezvekurima Doctor Anxious Masuka ndivo vavhura nyaya yekutengeswa kwefodya zviri pamutemo nhasi.

Vati vainge vachitarisira goho remakirogiramu mazana matatu kana kuti 300 million kilograms asi vave kutarisira goho remakirogiramu mamiriyoni mazana maviri nemakumi masere kana kuti 280 million kilograms.

Vanowona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reTobacco Industry Marketing Board (TIMB) muzvare Chelesani Tsarwe vaudza Studio7 kuti chiitiko chanhasi chafamba zvakanaka.

Tichiri panyaya iyoyo Studio7 abata zvakare mumwe murimi wefodya weku Hurungwe VaKudzai Gasho vanoti varimi vari kufara nemari iri kutengwa nayo fodya mwaka uno uye vari kutarisa kunotengesawo fodya yavo mangwana.

"Tiri kutarisira kuti zvinhu zvichafamba zvakanaka mangwana patichanotengesawo yedu fodya sezvo misika yekumadhorobha madiki uri kuvhurwa mangwana,"VaGasho vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG