Accessibility links

Breaking News

Makurukota eZimbabwe Opinda Mumusangano wezveMhando dzeMoto muAmerica


Powering Africa Summit
Powering Africa Summit

Musangano wePowering Africa Summit (PAS25) uri kutanga mangwana mu Washington DC uchiunza pamw chete makurukota ehurumende, vakuru vemakambani, vemabhanga, nenyanzvi dzezvemhando dzemoto kubva muAmerica nenyika dzeku Africa.

Dingindira regore rino rinobata ramangwana rekudyidzana kweAmerica neAfrica munyaya dzemhando dzemoto, kunyanya kuuchikwa kwemari, kuwanikwa kweruzivo nekusimudzirwa kwemagetsi anoshandisa zuva kuAfrica.

Makurukota muhurumende yeZimbabwe anoti rezvemhamdo dzemoto, VaJuly Moyo neremari VaMthuli Ncube ndevamwe vari kupinda mumusangano uyu pamwe nemukuru weZanbezi river Authority VaMunyaradzi Munodawafa na VaEdington Mazambani, veZimbabwe Energy Regulatory Authority (ZERA).

Nyanzvi yezvehupfumi vachidzidzisa pa Devry University ku Ohio, Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti musangano uyu wakakosha zvikuru nekuti unopa gwara kunyika yeAmerica kuti ichange ichishanda sei nenyika dzekuAfrica panyaya dzekuvandudza zvemhando dzemoto.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG