Accessibility links

 
Hurumende Yopa Kambani yeNhengo yeZanu-PF neyekuChina Basa Rekuchenesa neKutengesa Mvura Muguta reHarare Isingatevedzeri Mutemo wePRAZ
Breaking News

Hurumende Yopa Kambani yeNhengo yeZanu-PF neyekuChina Basa Rekuchenesa neKutengesa Mvura Muguta reHarare Isingatevedzeri Mutemo wePRAZ


Meya Jacob Mafume
Meya Jacob Mafume

Hurumende ichitenda kuti haina kutevedzera mutemo weProcurement Regulatory Authority of Zimbabwe kana kuti (PRAZ) yapa basa nhengo yeZanu-PF neimwe kambani yekuChina basa rekuchenesa mvura muHarare pasina kupa mamwe makambani mukana wekuti vakwikwidzewo.

Vagari vemuHarare pasi pechibvumirano ichi vanonzi vanenge vave kuwana mvura mushure mekunge vaibhadhara chete vachishandisa maprepaid meters.
Kambani yenhengo yeZanu-PF VaFarai Jere vanova mumiri wedare reparamende kuMurewa West ndiyo vapihwa basa nehurumende rekuchenesa mvura muHarare.

Kambani yaVaJere inonzi Helcraw uye inenge ichishanda neyekuChina inonzi Hangzhou Liaison Technology.


Vachitaura neStudio 7 pachiitiko chekupa makambani aya masimba ekutanga basa paMorton Jaffrey Water Works, kunocheneswa mvura, gurukota rinoona nezvekutongwa kwematunhu VaDaniel Garwe vati havana kuita zvinodiwa nemutemo pakupa makambani basa mushure mekukwikwidzana nekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati dambudziko remvura rinofanira kugadziriswa nechimbi chimbi.

Asi VaMnangagwa vakaudza dare ravo remakurukota mukutanga kwegore kuti mabasa ehurumende anofanira kupihwa makambani zviri pamutemo kwete kuita zvechizivano.

VaGarwe vati kambani dzeHelcraw neye Hangzhou Liaison Technology dzakangodomwa mushure mekunge paongororwa nhoroondo dzavo munyaya dzekuchenesa mvura.


Vachitaura neStudio 7 VaGarwe vati kanzuru yeHarare yakundikana basa. “Tinozviziva tese kuti Harare iri kunetseka nekuwana mvura nekuda kwekuti mishonga iri kushandiswa kuchenesa mvura yakawandisa uye inodhura.”

Vatiwo, “Mamamwe madamu anounza mvura kuti izocheneswa haachisina mvura yakachena uyewo mapombi anofambisa mvura yakachena kuenda kuvagari anogara achiputika. Kambani yekuChina yeHangzhou Liaison Technology inyanzvi pakugadzirisa matambudziko aya, ndiko saka taipa mvumo yekuti itange basa nhasi chaiye.”

As gweta vachishanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights VaPaidamoyo Saurombe vaudza Stydio 7 kuti mutemo wePRAZ unokwanisa kusendekwa parutivi kana paine zvinoda kuitwa nechimbi chimbi asi vati panyaya yemvura havasi kuona zvakakodzera.


Mukuru werimwe remasangano anomirira vagari reHarare Residents Trust VaPrecious Shumba vati havafari nedanho rekupa makambani akazvimirira basa rekuwanisa vagari mumvura. VaShumba vati, “Zviri pachena kuti pane vamwe vakuru vari kuda kudya mari kubudikidza nemakambani achaita basa iri.” Vaenderera mberi vachiti, “Handioni sekuti hurumende nekanzuru vane zvido zvavagari pamoyo. Isu takagara takamaramba maPrepaid Water Meters aya.”

Pamusoro pekuchenesa mvura inozowanikwa nevagari Hangzhou Liaison Technology iri kutarisirwa kugadzirisa dambudziko repombi dzinorasa mvura inenge yakachena pamwe nekuisa mamita emvura kana kuti ma'pre-paid water meters.'
Mashoko aVaShumba anotsinhirwa nemukuru wesangano rinomirira kodzero dzevanhu maererano nemvura, reCommunity Water Alliance, VaHardlife Mudzingwa.

Vati, “Hatina kana kumboona muzvinyorwa zvekanzuru kuti ichange ichitora matanho akadai zvinoreva kuti mubatanidzwa uyu hausi pamutemo.” Vatizve, “Chimwe ndechekuti izvi zvema ‘pre-water meters’ zvakamboedzwa kunzvimbo dzeKambuzuma neSunningdale asi vanogara munzvimbo idzi havana mvura yavakatanga kuwana pasina zvinetso. Saka sei tava kudzokorora chinhu chakambofoira?”

Asi Meya veHarare, VaJacob Mafume vati, “Zvbekuti kanzuru haichisina simba pamusoro pemvura, regai nditi aya manyepo. Kubatirana uku kwakakosha nekuti Harare ndeyedu tose.” Vaenderera mberi vachiti, “Ngatiregei kungotsoropodza nguva dzose. Ndinoona hurongwa uhwu huchizoita kuti muguta redu mvura iwanike, uye vanhu vese, zvisinei nematongerwo enyika, vachafara pamusoro pazvo.”

Mukuru weHangzhou Liaison Technology VaMaxwell Mironga vaudza Studio 7 kuti, “Isu tichange tichichenesa mvura pano paMorton Jaffray.” Vatiwo, “Mushure mazvo, tichashandisa michina yechizvino-zvino kuti tione pese pari kurasika nemvura tigopagadzirisa. Tichaisawo ma ‘prepaid water meters’ mudzimba. Rimwe rebase iri rakatotanga.”

Hangzhou Liaison Technology yakatotanga basa, uye maprepaid water meters anosvika zviuru mazana matanhatu nemakumi mashanu (650 000), atori munzira kuuya kuZimbabwe kubva kuChina.

Mushure mekubvunzwa kuti mvura iyi haizodhur here, VaMafume vati kwete, asi kungoti vanhu vachange vave kutanga vabhadhara mvura vasati vaishandisa
Hurumende yati mumwedzi mitanhatu iri kutevera nzvimbo zhinji muHarare dzinenge dzava nawo ma‘prepaid water meters’ uye mumakore maviri anotevera guta rese rinenge rava nawo.


Kambani yeHelcraw, ichange ichiwana mari yayo yebasa, kuburikidza nekupiwa chimwe chikamu chemari ichange ichibhadharwa neveruzhinji kuwana mvura.
Mutemo weZimbabwe unotiwo kuwanisa vanhu mvura yekunwa yakachena ikodzero nekudaro kunyima vanhu mvura nekuti havana kubhadhara kunogona kunetsa.

Zimbabwe yakaisawo runyoro rwayo pazvibvumirano zvemuAfrica neUnited Nations zvekuti vanhu vawane mvura.

Forum

XS
SM
MD
LG