Accessibility links

Breaking News

ZimParks Yoramba Kuti Makambani Achere Marasha muHwange National Park


YE Nature & Animals
YE Nature & Animals

Vanoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka veZinParks vaburitsa mashoko kuvatori venhau vachikurudzira hurumende kuti isape makambani marezinesi ekuchera zviwanikwa mumasango anochengeterwa mhuka.

Izvi zvinotevera mashoko ekuti pane kambani yekuChina inonzi Sunny Yi Feng (Private) Limited iri kuda kupihwa rezinesi rekuchera marasha kuHwange.

ZimParks inoti zvinokanganisa kuchengetedzwa kwemhuka dzakaita senzou nezvipembere dzinonzi dzinogona kutsakatika dzikasachengetedzwa zvakanaka.

Tayedza kubata gurukota rezvezvicherwa VaWinston Chitando asi vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevari mune zviwanikwa reCentre for Natural Resource Governance VaFarai Maguwu vaudza Studio 7 kuti vamwe vekuChina vari kuda kuvhima mhuka zvisiri pamutemo zvopa kuti vatsvage marezinesi ekuchera marasha mumasango anochengeterwa mhuka.

Hatina kukwanisa kubata muzinda weChina kuti tinzwe divi rawo. Takatumira mibvunzo isati yapindurwa nemuzinda uyu.

Forum

XS
SM
MD
LG