Bazi rinoona nezvevashandi muAmerica nezuro rakati vanhu zana rezviuru nemakumi mashanu kana kuti 151 000 ndivo vakapinda mabasa mumwedzi waKukadzi zvichienzaniswa nevanhu vanodarika zviuru zana nemakumi maviri nemashanu kana kuti125,000 munA Ndira.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vakaudza vatori venhau nezuro kuti kuwedzera kwemabasa kune chekuita nemabasa ekugadzira zvinhu mumafekitari akapinza vanhu zviuru gumi kana kuti 10, 000.
VaTrump vakati izvi zvinoratidza kushanda kwavakaita kubva zvavasarudzwa.
Asi huwandu hwevanhu vasina mabasa kana kuti unemployment rate wakakwira kusvika pazvikamu zvina nechiga chimwe chete kubva muzana kana kuti 4,1% kubva pazvikamu zvina chete kubva muzana kana kuti 4.0%.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDevry University kuOhio Muzvinafundo Elliot Masocha vaudza Studio 7 kuti huwandu hwemabasa akaumbwa huri nani asi vayambira kuti hupfumi hunogona kunanga kumawere mune remangwana.
Forum