Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeMutare Inotema Chibage Chaive Chakadyarwa muMativi eMigwagwa


Vagari vemumaguta vakawanda vanodyara chibage munzvimbo dzekanzuru dzinenge dzisina chinhu.
Vagari vemumaguta vakawanda vanodyara chibage munzvimbo dzekanzuru dzinenge dzisina chinhu.

Kanzuru yeMutare neChishanu chapfuura yakatsamwisa vamwe vagari mushure mekunge vashandi vayo vatema chibage chakanga chakadyarwa pedyo nemigwagwa nevamwe vagari vaiedza kutiza nzara.

Mune imwe vhidhiyo iri kutenderera mumadandemutande, vashandi vekanzuru vanoonekwa vachitema chibage chatove pedyo nekusvika chaive chakadyarwa munzvimbo dziri mumusha weSakubva.

Asi meya veguta reMutare, VaSimon Chabuka, vaudza Studio 7 kuti vainge vasati vaona vhidhiyo iri kutenderera iyi, asi vachiti kanzuru yavo yakatora danho iri mushure mekutambira nyunyuto dzakawanda kubva kune vamwe vagari vaiti chibage ichi chakanga chave kutadzisa vatyairi kuona migwagwa zvizere, uye mbavha dzakanga dzave kuhwanda muchibage dzichibata vanhu kwiyo.

Meya Chabuka vanoti kanzuru yavo yakateverawo mitemo yekanzuru yavo, kana kuti by-laws, iyo inoti hapana chinofanirwa kudyarwa munzvimbo dziri mamita gumi kubva panoperera mugwagwa, vachiti chibage chakatemwa ndechiya chaive chakadyarwa mukati memamita gumi aya.

Forum

XS
SM
MD
LG