Accessibility links

 
Zimbabwe Inopembedzwa neHuman Rights Committee neKurasa Kwayakaita Mutongo weRufu Asi Ichishorwa paNyaya yeMinda neKusasununguka kweMatare
Breaking News

Zimbabwe Inopembedzwa neHuman Rights Committee neKurasa Kwayakaita Mutongo weRufu Asi Ichishorwa paNyaya yeMinda neKusasununguka kweMatare


UN Human Rights Committee
UN Human Rights Committee

Komiti inoona nezvekodzero dzevanhu musangano reUnited Nation, yeUnited Nations Human Rights Committee, neChishanu chadarika inonzi yakapembedza Zimbabwe nekurasa kwayakaita mutongo werufu.

Asi komiti iyi yakasimudza mibvunzo pakugoverwa zvakare kweminda yakatorerwa varimi vechichena pamwe nekusazvimirira kwematare edzimhosva.

Izvi zvakabuda kumusangano weHuman Rights Committee uri kuitwa kuGeneva kuSwitzerland, uko kwakazeyiwa gwaro riri pamusoro pemamiriro enyaya dzekodzero dzevanhu muZimbabwe riri pamusoro pekuti yakazadzisa sei zviga zvekodzero dzevanhu, zveInternational Covenant on Civil and Political Rights.

Chikwata chehurumende, icho chiri kutungamirwa nemutevedzeri wegurukota rezvemitemo, VaNobert Mazungunye, chinonzi chakati hurumende iri kuita zvose zvainofanirwa kuita mukuzadzisa nyaya dzekodzero dzevanhu.

Asi VaMazungunye vakati Zimbabwe iri kukundikana kuita zvose zvaita zvainotarisirwa kuzadzisa nekuda kwezvirango zvavakati zvakatemerwa nyika nedzimwe nyika dzekumawirira.

Musangano uyu wakatanga musi wa 03 mwedzi uno uye uri kutarisirwa kupera musi wa 28.

Nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu vachitungamira sangano reAll Hands On Justice, VaKennedy Masiye, vanoti kunyange hazvo hurumende yakavandudza nyaya dzekodzero dzevanhu kuburikidza nekubvisa mutongo werufu, zvinoita sekunge zvinoti siirireyi zvimwe zvacho zviri mumutemo wekurasa mutongo werufu uyu.

“Tichitarisa panyaya ye death penalty, hongu, zvakaita hurumende zvekubvisa mutongo wokufa unonzi death penalty, zvinhu zvakanaka chose. But pakubvisa ipapo apo panenge pakasiiwa zvakare avenue yekuti hurumende inokwanisa kuzodzosa mutongo iwoyo uyo in case of emergency nedzimwewo nyaya. But in total, tinoti hongu kubviswa kwakaitwa mutemo iwoyo it’s a positive step,” VaMasiye vanodaro.

Panyaya yekugoverwa kweminda, VaMasiye vanoti zvinozivikanwa kuti minda haisi kufambiswa zvakanaka sezvo vaive vashandi vemumapurazi aive evachena akatorwa nehurumende vasina pekugara nanhasi sezvo vasiri kupiwawo pekugara.

Asi vanoti kuti zvinhu zvose izvi zvigadziriswe zvizere panofanirwa kuita kuzvipira kuzere kwehurumende kuti izadzise zviri mubumbiro remitemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG