Hurumende inoti huwandu hwevanhu vafa kuChipinge hwakwira kusvika pavana, vamwe vatatu vachinzi havasi kuzivikanwa kuti vari kupi mushure mekunge dhamu reBandama riri munzvimbo yeChipinge ratsemurwa nemvura nezuro.
Mukuru wechikamu chehurumende chinoona nezvekubatsirwa kwevanhu vanenge vawirwa nematambudziko ane chekuita nemamiriro ekunze, cheCivil Protection Unit, VaNathan Nkomo vamboudza Studio 7 kuti vanhu vaviri vainge vafa, asi gurukota rinoona nezvedunhu reManicaland Advocate Misheck Mugadza vaudza bepanhau reHerald kuti huwandu uhu hwawedzera kusvika pavanhu vana.
VaNkomo vakurudzirawo vanhu kuti kana kwaitika tsaona dzakadai munzvimbo dzavanogara vakurumidze kuvazivisa vachiti, “Tikakurumidza kuzviziva zvinoitawo kuti tikwanise kubatsira vese vanenge vachida kubatsirwa."
Vatiwo, "Asi zvakanakawo kuti zvimwe zvikamu zvakaita seZINWA zvibatsirane nevaridzi vemamwe madhamu aya, kuona kuti anenge achiri akasimba zvakazara here. Asi isu seCPU, takagadzirira zvizere kubatsira munguva dzenjodzi.”
Dzimwe nyazvi dziri kuyambira kuti kutsemuka kwemadham kunogona kuitikawo kune dzimwe nzvimbo dzenyika sezvo kuine mamwe madhamu mashanu ari kunzi haachina kusimba.
Nyanzvi munyaya dzezvivakwa zvakafanana nemazambuko nemidhuri yemadhamu, uye vari mukuru wekambani yeThe Design Team Consulting Engineers, VaThemba Kumbula, vanoti pane zvikonzero zvakawanda zvinogona kuita kuti zvivakwa zvakafanana nemazambuko nemadhamu zviparadzwe nemvura.
Vati, “Kuchinja kwemamiriro ekunze chikonzero chikuru nekuti isu patinovaka zvivakwa izvi tinenge tichishandisa humbowo hwemanairo emvura hwekare."
Vaenderera mberi vachiti, "Asi mukatarisa ikozvino, manairo emvura asiyana neekare sezvo tave kuwana mvura yakafanana nedutumupengo yakawanda. Izvi zvinokasika kuuraya madhamu nezvivakwa zvedu. Chimwe ndechekuti vanhu pavanoramba vachirima mumahombekombe menzizi zvinokonzeresa kuti jecha riwandise munzizi idzi izvo zvinozosiya mvura iine nzvimbo diki yekufamba nayo painozosvika pazambuko, yobva yapwanya zambuko.”
VaKumbula vakurudzirawo vagari kuti pavanoona sekunge zvivakwa zvakaita semazambuko nemadhamu zvava kutsemukira kana kudegenyeka zvishoma vakasike kuudza hutungamiri kuitira kuti dambudziko racho riongororwe.
Vhiki rapera kune zambuko reKamonde, kuMatepatepa, kuBindura mudunhu reMashonaland Central, rakatsemurwa nemvura nepakati.
Rimwewo dhamu reCharlie kuBulilimamudunhu reMatabeleland South, rakaparadzwawo nemvura mwedzi wadarika.
VaTendai Reuben Mbofana vanoshanda nesangano reZimbabwe Network for Social Justice vanoti zvichida dai pasina huori pakuwanisa makambani anogadzira zvivakwa izvi dai zvisingaparari nenzira yazviri kuita, vachiti zvimwe zvivakwa zviri kuvakwa nevanhu vasina hunyanzvi huzere asi vachipiwa mabasa nekuda kwechizivano. “Chinonetsa ndechekuti dzimwe nguva makambani aya anopihwa basa nemabhururu kubudikidza nechiokomuhomwe." VaMbofana vaudza Studio 7.
Vatiwo, "Saka pakuzonoita basa paya, havachaiti nemazvo, nekuti vari kuda kutanga vadzosa mari yavo yavaendesa kuchiokomuhomwe. Izvi zvinozoita kuti vagadzire zvivakwa zvisina kusimba, nekuda kuchengetedza mari. Dai huori hwapera, dai tiri kuwanawo zvivakwa zvakasimba.”
Gore rapera, sangano reHarare Residents Trust rakamboendesa kumatare gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu VaFelix Mhona kuti vagadzirise mazambuko matatu ari mumigwagwa yemuHarare inoti Simon Mazorodze, Lytton naFidel Castro ayo akanzi nenyanzvi agadzirwe muna 2012. Nyaya iyi ichiri kumatare edzimhosva. Hatina kukwanisa kubata VaMhona kuti tinzwe divi ravo.
Vanoongora mamiriro ekunze, VaBaba Maketa,vanoshanda neMetereological Services Department vayambira vose vanogara kumahombekombe kwenzizi nemadhamu kuti vachenjerere mafashamu emvura vachitiwo mumazuva maviri ari kutevera kuri kutarisirwa kunaya mvura yakawanda kune mamwe matunhu enyika.
VaMaketa vati, “Matunhu anoti Manicaland neMasvingo achawana mvura yakati wandei mangwana Chipiri uye neChitatu." Vaenderera mberi vachiti, "Nzizi dzinogona kuita mafashamu, mvura yachowo inogona kunge iine chimvuramabwe, uye ichipenya zvakanyanya. Naizvozvo, tinokurudzira vanhu kuti vasayambuke nzizi dzakazara, uyewo kuti vari mumhemberekedzo yenzizi, vagare vakachenjerera.”
Nekuda kwemvura iri kunaya, CPU inoti vanhu makumi matanhatu vafa munyika nekuda kwemvura kubva muna Zvita. Vamwe vari kuyeredzwa vamwe vachinyura mumvura.
Forum