Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vochema Everjoice Win, Gamba Mukurwira Kodzero dzeMadzimai


Everjoice Win
Everjoice Win

Gamba munyaya dzekurwira kodzero dzemadzimai munyika Everjoice Jeketa Win aizivikanwa nekuti ej akashaya muJohannesburg nezuro.

EJ akaberekwa kuShurugwi muna 1965. Ange ave kushanda nesangano rakazvimirira roga reAction Aid kuSouth Africa.


Mufi akamboshandirawo masangano akaita se Women’s Action Group, Oxfam (Canada) Women in Law and Development in Africa nemamwe. Akamboitawo chipangamazano cheCommonwealth kukomisheni yeCommission on Gender Equality muSouth Africa.


Mumwewo akatungamira mukuvambwa kwesangano re National Constitutional Assembly of Zimbabwe, uye akambova mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition. Akashandawo neWomen and Aids Support Network, Association of Women’s Rights in Development and the Centre for Civil Society paUniversity of Kwa-Zulu Natal.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri wemhuri VaFambisai Dari Mawarire vanoti ari kutarisirwa kuchengetedzwa nemusi weMugovera.

Forum

XS
SM
MD
LG