Musangano wekomisheni yemadzimai mu United nations we Commission on the Status of Women- CSW69 wakanangana nekuenzanisa mikana pakati pevanhurume nevanhukadzi uri kuenderera mberi uchiitwa kumuzinda we UN kuNew York mu America.
Musabangano uyu wakatanga nemusi weMuvhuro. Madzimai akawanda ari kupinda mumisangano iyi anoti kodzero dzavo hadzisi kukosheswa muyika dzakawanda.
Vari kupinda mumuangano uyu makurukota ehurumende, mapazi e UN, nemasangano akazvimiririra pasi rose.
Mimwe misangano ichaitwa mumazuva makumi maviri nerimwe anotevera inobata nyaya dzematambudziko anosangana nemadzimai, budiriro munyaya dzekuvandudza hupenyu hwavo, kuenzaniswa kwemikana uye zvavagona kuzadzisa maererano nemuono we 2030 Agenda for Sustainable Development.
Mumwe ari kupinda mumusangano uyu, vmukuru wesangano reWomen’s Academy for Leadership and Political Excellence - WALPE, Muzvare Sthabile Dewa.
Muzvare Dewa vaudza Studio 7 kuti musangano we gore rino wakavakoshera zvakanyanya nekuda kwekucherechedzwa kwechibvumirano cha 1995 cheBeijing Declaration icho chakabuda nezvisungo zvakafarirwa nevanhukadzi zvakanyanya.
Forum