Mutori wenhau wekambani yeAlpha Media Holdings Blessed Mhlanga achamboramba ari mutirongo sezvo dare repamusoro rapfuudza mberi mutongo pachikumbiro chake chekuti apihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti atongwe achibva kumba.
Mutongi VaGibson Mandaza vakati nyaya iyi ichanzwikwa neChitatu sezvo vachuchusi vakati vanoda nguva yekugadzirira.
Mhlanga ari kupomerwa mhosva yekupesvedzera mhirizhonga nekuita hurukuro nemurwi werusungunuko VaBlessed Geza.
Asi vachuchusi vakakatyamadza vakawanda vave kuti vanoda kuti nyaya iyi iende kumatare anotonga nyaya dzehuori. Izvi zvakarambwa nemagweta aMhlanga.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinorwira kodzero dzevatori venhau reMedia Alliance VaNigel Nyamutumbu vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa nevachuchusi kuda kungononotsa kutongwa kwenyaya Mhlanga achiyaura ari mujeri.
Forum