Accessibility links

Breaking News

America Yoita Hurukuro neUkraine Kuyedza Kumisa Hondo Pakati peNyika Iyi neRussia.


Gurukota rinowona nezve kudyidzana kwenyika yeAmerica nedzimwe nyika VaMarco Rubio.
Gurukota rinowona nezve kudyidzana kwenyika yeAmerica nedzimwe nyika VaMarco Rubio.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaMarco Rubio vari muJeddah, Saudi Arabia, kumusangano neUkraine wekuyedza kupedza hondo pakati penyika iyi neRussia.

Musangano uyu uri kuitwa nemusi weChipiri.

America inoti chinangwa chehurukuro idzi ndechekuumba hwaro hwerunyararo. VaRubio vari kusangana nezvipangamazano zvemutungamiri wenyika yeUkraine VaVolodymyr Zelenskyy.

Zvichakadaro. VaZelenskyy vari kutarisirwa zvakare kusangana nevanji Damba Thulani muSaudi Arabia kana kuti Crown Prince Mohammed bin Salman Al Saud kuti vaite hurukuro dzezvekudyidzana kwenyika mbiri idzi. Mushure memisangano iyi vaRubio vari kutarisirwa kusimuka vakananga kumusangano wenyika no we dzakabudirira kana kuti G7, kuCanada.

Nyanzvi munyaya dzezve hupfumi uye vari Muzvinafundo paDevry University Muno muAmerica, VaElliot Masocha vanoti misangano yakadayi yakakosha sezvo ichibatsira kugadzirisa kusagadzikana nerunyararo pasi rose.

"Tiri kutarisira kuti misangano iyi ichabatsira kuumba hwaro hwerunyararo pakati peUkraine ne Russia nekumiswa kwehondo nechimbi chimbi,"VaMasocha vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG