Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi dzeHupfumi Dzokurudzira Hurumende Kutanga Yagadzirisa Chimiro cheNyika Isati Yakoka Vanoda Kudyara Mari


Gurukota remhando dzemoto, VaJuly Moyo. (Columbus Mavhunga/VOA)
Gurukota remhando dzemoto, VaJuly Moyo. (Columbus Mavhunga/VOA)

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti zvakakosha zvikuru kuti Zimbabwe itange yagadzirisa chimiro chayo kuburikidza nekuremekedza bumbiro remitemo pamwe nekodzero dzevanhu isati yafunga zvekukoka vekunze kuti vapinde munyika vazodyara mari dzavo.

Izvi zvinotevera kurudziro yakaitwa negurukota rezvemhando dzemoto, VaJuly Moyo, kumusangano wekuti America ingabatsirana sei neAfrica munyaya dzemhando dzemoto, wePowering Africa Summit, uyo wakapetwa neChishanu chapera muWashingto DC, yekuti hurumende yeAmerica ibvumidze makambani ayo akazvimirira kuti adyare mari dzawo mukucherwa kwemarasha muZimbabwe.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachitungamira kambani yeUnderhill Corporate Solutions, Doctor Eddie Mahembe, vari kuSouth Africa, vanoti mashoko aVaMoyo aya akakosha zvikuru sezvo vakataura vakamirira Africa yose, asi panoda kuti nyika dzacho dzemu Africa dzitange dzabatana dzotaura shoko rimwechetero nezwi rimwechete.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda neAfrica Centre for Economic Justice, Muzvare Chenaimoyo Mutambasere, vari kuBritain, vanoti vemabhizimusi vekunze vari kukokwa nehurumende vanogona kutya kupinda munyika nekuda kwemabatirwo ari kuitwa nyaya dzekodzero dzevanhu nehurumende, uye kusakosheswa kwemitemo inobata nyaya dzemabhizimusi pamwe nekusaremekedzwa kwebumbiro remitemo nehurumende.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa paDeVry University kuOhio muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanotsigirana naMuzvare Mutambasere vachitiwo vemabhizimusi vekunze ava vanotarisa zvakawanda, kunyanya mune zvematongerwo enyika nemune zvehupfumi vasati vapinda munyika kunodyara mari dzavo.

Muzvinafundo Masocha vanoti makambani emuAmerica ave kubvumidzwa manje kuvhura muZimbabwe sezvo hurumende yeAmerica yakatarisa zvakare mutemo waivepo waimboarambidza kupinda muZimbabwe kubva pabviswa zvirango zvaive zvakatemerwa nyika kuchisara zvakatemerwa vanhu nemakambani.

Zimbabwe inonzi ine mutemo unobvumidza makambani ekunze kuti ange aine zvikamu makumi mana nezvipfumbamwe kubva muzana mukambani, zvimwe zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana zvichisungirwa kuti zvive zvezvizvarwa zveZimbabwe.

Kunyange hazvo pasi rose pave nekurudziro yekuti marasha amire kushandiswa nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kusvibiswa kwemweya wekufema nekukanganisa mamiriro ekunze, Zimbabwe inonzi nevamwe ichiri kure kutora danho iri sezvo iine nhoroondo yekunetsa kwemagetsi.

Asi mukuru weZambezi River Authority, VaMunyaradzi Munodawafa vakaudza Studio 7 parutivi pemusangano wePowering Africa kuti vane hurongwa hwekuisa gwenya remoto wezuva mudhamu reKariba kuitira kuwedzera magetsi ari kuwanikwa nenyika pari zvino kubva kuKariba neHwange.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Forum

XS
SM
MD
LG