Kunyangwe pave nezvimhingamupinyi zvakawanda zvave kusangana nemadzimai pakuyedza kuti pave nekuenzaniswa kwemikana pakati pavo nevanhurume, vari kupinda mumusangano wekugadzirisa matambudzio aya weUnited Nations Commission on the Status of Women vanoti vari kufara nezvimwe zvavae kuvandudzwa.
Vachitaurawo pamusangano uyu nezueo, munyori mukuru weUnited Nations VaAntónio Guterres vakayambira kuti vanhu vakasamira semusambangwena kodzero dzemadzimai dzinodzoserwa kumashure.
Izvi zvinosanganisira kuremekedzwa kwemadzimai pabasa uye kuti vave nemasangano anovamirira.
Izvi zviri kuuya panguva iyo hurumende dzakawanda dzave kupomerwa mhosva dzembunyikidza kodzero dzevashandi nekusagamuchira masangano anovamiririra. Sangano guru rinomirira vashandi pasi rose reInternational Trade Union Confederation rati rinofara nechisungo chekuremekedza kodzero dzevashandi.
Musangano wegore rino wakakosha nekuti uri kuuya pauya makore matatu papera musangano weBeijing Declaration wa1995 wakasimbaradza nyaya yekukosha kwekuremekedzwa kwekodzero dzemadzimai pasi rose.
Vakati vanorwira kodzero dzemadzimai vari kushungurudzwa kana kutopondwa. sachigaro wesangano remubatanidzwa wemadzimai reThe Women's Coalition of Zimbabwe (WCoZ), varizve mukuru we sangano re Self-Help Development Foundation, Amai Muchanyara Cynthia Mukamuri.
Forum