Vatungamiri venyika nomwe dzakabudirira kana kuti G7 vari kutarisirwa nemusi weChina kutanga kuita nhaurirano kuQuebec, Canada wakanangana nekutsvaga nzira dzekubatsira Ukraine iyo yave nemakore matatu ichirwiswa neRussia.
Nhaurirano idzi dzinotevera danho reAmerica rekutanga kudyidzana neUkraine panyaya dzekusora nekudzivirirwa kwenyika.
Izvi zvinotevera musangano wakaitwa pakati peAmerica neUkraine kuSaudi Arabia.
Pamusangano uyu pakatenderanwa kumbomiswa kwehondo pakati peRussia neUkraine kwemwedzi wose.
Asi Russia inoti haisati yasumwa nezvenhaurirano idzi.
Forum