Accessibility links

Breaking News

Kambani yeChizvarwa cheZimbabwe VaTsungai Nyangasa yeNT Solutions Yoita Mukurumbira muBotswana


Kambani yechizvarwa cheZimbabwe VaTsungai Nyangasa, yeNT Solutions.
Kambani yechizvarwa cheZimbabwe VaTsungai Nyangasa, yeNT Solutions.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naVaTsungai Nyangasa, avo vanonyanyozivikanwa nerekuti 'Meya', vari muGaborone kuBotswana.

VaNyangasa vakaberekerwa kuShamva kuChiweshe vakazokurira muBindura asi kumusha kwavo kuri kuChiwese.

Sezvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda, vakazobudawo munyika vachienda kuBotswana uko vakamboshandirawo mamwe makambani vasati vavhurawo yavo yeNT Solutions muna 2009 iyo inoita basa rekunhadzurudza matenga edzimba anenge achibvinza.

Pamusoro pekugadziridza matenga edzimba, kambani yaVaNyangasa inogadziridzawo midhuri yedzimba, zvitoro nezvikoro.

"Basa iri ibasa randakatangira muno muBotswana mushure mekunge ndauyawo muno muBotswana tichitsvaga chouviri sezvo kumusha kwedu kwakanga kwapinda nzara."

Vashandi veNT Solutions vari pabasa.
Vashandi veNT Solutions vari pabasa.

Vanoti vachiri kumusha vakamboitawo zvekuvaka asi pavakazopinda muBotswana vakazowedzera pamusoro zvekugadzira matenga edzimba mushure mekunge vamboshandirawo imwe kambani yechizvarwa chekuChina yaiitawo basa iri.

VaNyangasa vanoti vari kutambirwa zvakanaka chose nezvizvarwa zveBotswana.

"Especially zvako kana zvinhu zvako zvichinge zvakarongeka, usingatsotse vanhu ava, nokuti maTswana vakadzimara vaku truster vanenge vaku truster. Saka vanhu ava vanoda kubatwa zvakanaka semabatiro avari kutiitawo zvakanaka," vanotsanangura VaNyangasa.

Vanoti sezvo kambani yavo ichangotanga kukura, havasati zvavo vatanga kuita mabasa ekubatsira nharaunda yavagere kana kumusha kwavanobva, asi chishuwo chavo ndechekuti mune remangwana vange vari imwe yemakambani ari kubatsira vanotambura nevakwegura.

Pari zvino kambani yaVaNyangasa ine zvizvarwa zveZimbabwe zvishanu nezvizvarwa zveBotswana zviviri, asi vanoti kana vachiita mabasa mahombe vanotsvaga vamwe vashandi kuwedzera vavagara vainavo kanawo mamwe makambani ekubatana nawo.

VaTsungai Nyangasa nechikwata chavo.
VaTsungai Nyangasa nechikwata chavo.

Vanokurudzira zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kushanda zviri kunze kwenyika kuti zvitungamidze mberi kuvimbika mune zvose zvazvinenge zvichiita.

"Shoko randingade kusiira vana veZimbabwe vari kurarama vari kune dzimwe nyika vachishanda nevanhu, chakakosha kuvimbika, kubhadharana nevanhu vaunenge washandidzana navo zvakanaka, usingabiridzire makasitoma ako zvakare. Naivowo vanopota vachirifeyana kuti aiwa, imba yangu iyi yakambenge ichilika zvakanyanya but yakazogadzirwa neNT Solutions. Ndovakapedza dambudziko rangu. Saka izvozvo izvo, kuvimbika chinhu chakakosha kupfuura mari yatinenge tichida. Saka ndinongoti kuvimbika ndiko kwakakosha."

VaNyangasa vanoti vanoda kuvabata vanokwanisa kuvabata panhamba dzenharembozha dzinoti +267 7191 6124, kana paFacebook peji ravo rinoti https://www.facebook.com/ntsolutionsbw, kana padandemutande ravo rinoti https://ntsolutions.co.bw.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG