Accessibility links

Breaking News

Danho reHurumende Rekuti Makanzuru Abvise Vari Kutengesera muNzvimbo Dzisina Kutarwa Rokonzera Mutauro


Vamwe vatengesi vari kupomerwa mhosva yekuvhara nzira dzekufamba nadzo.
Vamwe vatengesi vari kupomerwa mhosva yekuvhara nzira dzekufamba nadzo.

Danho rakatorwa nehurumende rekupa makanzuru ose emunyika mazuva maviri chete ekuti ange abvisa vanhu vose vari kutengesera munzvimbo dzisina kutarwa rasimudza mutauro mukuru munyika.

Vari kupokana nekushoropodza danho iri vanosanganisira sachigaro werimwe remasangano anomirira vanorarama nekutengesera mumigwagwa, reSurvival Vendors' Union of Zimbabwe, VaEmmanuel Kwamira, avo vari kuti hurumende haifanirwe kuita mwoyo mukukutu pavanhu vari kutsvaga kurarama vasiri kuita zvehumbavha.

VaKwamira vanoti vanotarisira kuti makanzuru achabvisa chete vanhu vari kutengesera mukati memaguta nemadhorobha munguva dzeusiku vavanoti ndivo vakanzi negurukota rezvekutongwa kwematunhu ndivo vari kukonzera humbavha nehutsvina, vachisiya vari kutengesera mumaguta munguva dzemasikati.

Vanoti dambudziko riri kutuma vanhu kuti vatengesera munzvimbo dzisingabvumidzwi nderekushomeka kwenzvimbo dziri pamutemo.

Asi VaSnowball Tongora, vanove nhengo yevechidiki veZanu PF, vanoti danho rakaziviswa negurukota rezvekutongwa kwematunhu VaDaniel Garwe iri rakanaka chose vachiti mukati memaguta manga manyanya kuitwa donga watonga muzinda wenyuchi.

VaTongogara vanoti vanotengesera mumigwagwa vanofanirwa kurongeka voenda kuhurumende kuti vapiwe nzvimbo dzekutengesera zviri pamutemo, kwete kuti vakanganise mafambiro evanhu muguta pamwe nekukanganisa varidzi vezvitoro vanobhadhara mitero kumakanzuru ivo vachitengesera mumavharanda ezvitoro izvi vasina chavanobhadhara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG