Vanotengesa mumigwagwa muHarare nhasi vange vachienderera mberi nebasa ravo mumaguta nemumadhorobha kunyangwe hurumende neChitatu yakapa makanzuru mazuva maviri chete ekuti vabviswe nechisimba vanhu vari kutengesa zvinhu zvisiri pamutemo kunyanya manheru.
Vachitaura neStudio 7 nhasi, mutauriri wekanzuru yeHarare VaStanley Gama vati vanhu vachabviswa mumigwagwa asi vasingazivise musi nenguva.
Meya weguta reMutare VaSimon Chabuka vaudzawo Studio 7 kuti havana dambudziko iri muguta ravo uye vagara vachitoshanda nevanotengeswa mumigwagwa kuti vatengesere muzvimbo dzakatarwa.
Meya weguta reMasvingo VaAleck Tabe vaudza Studio 7 kuti havana dambudziko guru nevanotengesa mumigwagwa.
Mukuru werimwe sangano rinomirira vanotengesera mumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation kana kuti VISET, VaSamuel Wadzai, vaudza Studio 7 kuti havawirirane nedanho rehurumende. Vati, "Tinopokona nedanho riri kutorwa nehurumende, chinofanirwa kunge chichiitwa kukurudzira makanzura naiyowo pachayo hurumende ichibatsira, kuvakwa kwenzvimbo dzekuti
Vachitaura nevatori venhau nemusi weChitatu, gurukota rinoona nezvematunhu VaDaniel Garwe vakati vari kungotengesera zvinhu pese pese mumaguta nemadhorobha vanofanira kubviswa,
Asi mumwe wevanotengesera mumugwagwa zvisiri pamutemo VaJoel Manyaya vati, “Ticharamba tirimo mumugwagwa, ticharamba tichingomhanyisana ipapo, mumugwagwa hatibvi.”
Vamwewo vanotengesa mumugwagwa zvisiri pamutemo vakaita saVaFanuel Chimoyo vaudza Studio 7 kuti hurumende pamwechete nekanzuru yeHarare, vaifanira kutanga vagara pasi nevese vari kutengesera mumigwagwa kuti vanzwewo pfungwa dzavo vasati vaparura chirongwa chekuvatandanisa. Vati zviri kuitwa, "Kuda kukonzeresa chaos munyika kuti vanhu vapenge nekuti haungandibvisi pandiri kuraramira.”
Nhengo yedare reparamende vari gweta VaAgency Gumbo vati hurumende yatora danho rinoraridza kuti kuti haina hanya nevanhu. Vaudza Studio 7 kuti, “Hazvisi izvo zvinoitwa nehurumende yegutsa ruzhinji." Vaenderera mberi vachiti, "Ndizvo zvatinogara tichitaurira vanhu kuti hurumende yaVaMnangagwa yatadza kuendesa nyika kumberi.”
Vanotengesera mumigwagwa ava vanogara vachiita hwakiti nagonzo nemapurisa eZRP neekanzuru. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kushaikwa kwemabasa ndiko kuri kupa kuti vanhu vakawanda vagume vave kutengesa mumigwagwa kuti vawane chouviri.
Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru musangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Union VaRunesu Dzimiri vakaudza vatori venhau kuti kupa vanhu mazuva maviri ekubva mumigwagwa kuda kuvaomesera munyika isina mabasa.
Forum