Musangano wevatungamiri venyika dzemuSADC waitwa nhasi padandemutande wabuda nechisungo chekuti mauto akatumirwa mubatanidzwa uty kumabudazuva kweDRC abuditswe munyika iyi.
SADC yange yatumira mauto zviuru zvishanu kubva kuSouth Africa, Malawi neTanzania.
Mamwe mauto eSADC anodarika makumi maviri akaurayiwa kuGoma neSake mudunhu reKivu nechikwata chakapandukira hurumende cheM23 zvakapa kuti vamwe munyika dzine mauto vakurudzire hurumende kuti adzoswe kumusha.
Kubuda kwemauto eSADC uku kuri kuuya panguva iyo mutungamiri wenyika yeAngola VaJoao Lourenco vari kuti vakwanisa kutaura nehurumende yeDRC nechikwata cheM23 kuti vaite nhaurirano muLuanda mazuva mashoma anotevera.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanova sachigaro weSADC ndivo vazivisa nezvedanho reSADC iri.
Vati idanho rakaoma zvikuri asi hazvireve kuti vageza maoko pamatambudziko eDRC. Vati vacharamba vachibatsira kuti munyika iyi muve nerunyararo.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo nyika Muzvinafundo Ricky Mukonza vanodzidzisa paTswane University of Technology vaudza Studio 7 kuti kugadzikana kunogona kunetsa muDRC nekuda kwezvicherwa zvakakosha zvirimo zvinopa kuti paite kurwisana.
Forum