Accessibility links

Breaking News

SADC Yatora Danho reKuburitsa Mauto Ayo muDRC


Zimbabwe President Emmerson Mnangagwa addresses delegates who attended an Extra Ordinary SADC Summit in Harare
Zimbabwe President Emmerson Mnangagwa addresses delegates who attended an Extra Ordinary SADC Summit in Harare

Musangano wevatungamiri venyika dzemuSADC waitwa nhasi padandemutande wabuda nechisungo chekuti mauto akatumirwa mubatanidzwa uty kumabudazuva kweDRC abuditswe munyika iyi.

SADC yange yatumira mauto zviuru zvishanu kubva kuSouth Africa, Malawi neTanzania.

Mamwe mauto eSADC anodarika makumi maviri akaurayiwa kuGoma neSake mudunhu reKivu nechikwata chakapandukira hurumende cheM23 zvakapa kuti vamwe munyika dzine mauto vakurudzire hurumende kuti adzoswe kumusha.

Kubuda kwemauto eSADC uku kuri kuuya panguva iyo mutungamiri wenyika yeAngola VaJoao Lourenco vari kuti vakwanisa kutaura nehurumende yeDRC nechikwata cheM23 kuti vaite nhaurirano muLuanda mazuva mashoma anotevera.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanova sachigaro weSADC ndivo vazivisa nezvedanho reSADC iri.

Vati idanho rakaoma zvikuri asi hazvireve kuti vageza maoko pamatambudziko eDRC. Vati vacharamba vachibatsira kuti munyika iyi muve nerunyararo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo nyika Muzvinafundo Ricky Mukonza vanodzidzisa paTswane University of Technology vaudza Studio 7 kuti kugadzikana kunogona kunetsa muDRC nekuda kwezvicherwa zvakakosha zvirimo zvinopa kuti paite kurwisana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Forum

XS
SM
MD
LG