Mutori wenhau Blessed Mhlanga amiswa zvakare pamberi pedare ramejastiriti muHarare pamhosva yaari kupomerwa mhosva yekufambisa mashoko anopesvedzera mhirizhonga.
Gweta rake VaChris Mhike vanyunyuta kuti sei nyaya yake iri kuiswa pamhosva dzinonzi dzinogona kukonzera kusagadzikana munyika.
Asi mutongi wedare ramejasitiriti VaIsheanesu Matova vati izvi zvangoitirwa kuti vakwanise kungoita basa nyore.
VaMhike vati vakumbirawo kuti Mhlanga abvumidzwe kunyora bvunzo musi wa 19 Kurume asi vati mutongi ati aita mutete panyaya iyi.
Mhlanga achiri akamirira kunzwa kubva kudare repamusoro reHigh Court kuti opihwa here mukana wekubvisa mari yechibatiso kana kuti kwete.
Masangano evatori venhau ari kuchemachema kuti kodzero dzevatori venhau hadzisi kuremekedzwa uye vave kushanda vachitya.
Nemusi weChina msangano anomirira vatori venhau anoti reZimbabwe Union of Journalists, ZUJ, MISA-Zimbabwe neMedia Alliance akatoita musangano nevakuru vemapurisa apo akasvitsa nyunyuto dzevatori venhau.
Asi mapurisa anonzi akatiwoi vatori venhau havachateedzera zviga zvinobata mashandiro avo.
Asi Hlongwane anoti vakaburitsa pachena kumapurisa kuti vatori venhau vakadzidzira basa ravo vanoshanda vachitevedzera mitemo inobata mashandiro avo, nekudaro havafanirwe kushungurudzwa pavanenge vachiita basa ravo.
Forum