Accessibility links

Breaking News

Nyika Dziri muG7 Dzokurudzira Russia Kuti Itambire Chisungo Chekumisa Hondo


US Secretary of State Marco Rubio participates in a G7 Foreign Ministers session in Charlevoix, Canada, March 13, 2025. (Official State Department photo by Freddie Everett)
US Secretary of State Marco Rubio participates in a G7 Foreign Ministers session in Charlevoix, Canada, March 13, 2025. (Official State Department photo by Freddie Everett)

Makurukota enyika nomwe dzakabudirira kana kuti Group of Seven (G7) vakurudzira Russia kuti itambire zviri kukurudzirwa neAmerica kuti imbomira kurwisana neUkraine. Vari mugungano reG7 vari kusangana kuCanada.

Chipangamazano chemutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump, VaSteve Witkoff vakataura nemutungamiri weRussia VaVladimir Putin nezuro.

Mutauriri wemuzinda weKremlin muRussia VaDmitry Peskov vati VaPutin vane zvakawanda zvavari kuda kunzwisisa vasati vabvuma kuti hondo imbomira kwemwedzi wese.

Forum

XS
SM
MD
LG