Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Hurumende Yavo Ichapodza Maronda eNyika


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakavimbisa ruzhinji rweZimbabwe kuti kana vakapinda muhutongi vachaumba komiti ichaongorora nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika, kana kuti Truth and Reconciliation Commission. VaTsvangirai vakataura mashoko aya muHarare apo vakaumba homwe yekubatsira nhengo dzebato ravo dziri pakati pekushungudzwa nehurumende yaVa Robert Mugabe.

Vakavimbisa zvakare kuti kana vapinda muhutongi, hurumende yavo ichaumbazve homwe yekubatsira vakarasikirwa nehama dzavo panguva yeGukurahundi, uye yekubatsira vanhu vakapazirwa dzimba panguva ye Operation Murambatsvina. Nyanzvi munyaya dzezvematongewo enyika dzinoti dzinovimba kuti mashoko aVa Tsvangairai aya ndeechokwadi, kwete ekuda kutsvaga rutsigiro panguva yesarudzo ye run-off.

Brenda Moyo weStudio 7 ataura naVa Ernest Mudzengi, Director ve National Constitutional Assembly- NCA, avo vanoti mashoko aVaTsvangirai haana kuipa kwete kana vachizozadzisa vimbiso yavo kune voruzhinji.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG