Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC muMbare Dzodzingirwa Kutsigira MDC


Zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka mumusha weMbare uko kunonzi vechidiki veZanu PF, avo vanonyanyozivikanwa nezita rekuti "Chipangano", vanonzi vari kuburitsa midziyo yevatsigiri veMDC mudzimba, vachivadzinga vachiti vatsvagirwe kwekugara nebato ravo. Mhuri dzinodarika makumi mana dzinonzi dzaburitsirwa midziyo panze, uye vamwe vanhu vanonzi varohwawo muchiitiko ichi.


Mumusha weKuwadzana, vatsigiri veZanu PF vanonzi vanga vachifamba mudzimba vachimanikidza vanhu kutsigira bato ravo. Vachangosarudzwa semumiriri weMbare mudare reparamende, VaPiniel Denga, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mumwe mwana aroverwa pasi nevechidiki veZanu PF ava mushure mekunge amai vake varamba kubuda mumba mavo.


Zvichakadaro, bato reMDC rinoti nhengo dzaro dziri kunamira mapepa ekushambadzira mutungamiri wavo, VaMorgan Tsvangirai, dziri kupambwa uye kushungurudzwa munzvimbo dzakawanda munyika. Mutauriri webato iri, VaNelson Chamisa, vanoti nzvimbo dziri kunyanya kuitika izvi dzinoti Chiredzi, Masvingo, Bulawayo, Harare neMashonaland East.


Ukuwo kuManicaland, sabhuku Fibion Musukutwa, avo vari pasi pashe Mutambara, vanzi vakaparadzirwa musha wavo nemidziyo yakawanda mukupera kwesvondo. Sabhuku Musukutwa vanozivikanwa nenyaya yekumboripiswa mombe shanu nashe Mutambara mushure mekunge vapa VaTsvangirai gwayana pamusangano wavakaita kwaMutare gore ra2006. Pari zvino sabhuku Musukutwa nemhuri yavo vava muhupoteri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG