Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti Mapurisa Ane Mvumo Yekuchengeta VaBiti Muhusungwa


Mashoko atiri kutambira anoti mutongi wedare re High Court, Justice Samuel Kudya, vapa mutongo wekuti mapurisa anokwanisa kuchengetedza munyori mukuru we MDC, VaTendai Biti, sezvo mhosva yavari kupomerwa iri hombe. Mutongo uyu unotevera chikimbiro chakaitwa nemagweta ari kumirira VaBiti, chekuti vaburitswe muhusungwa sezvo mapurisa atora nguva yakareba vasati vauunza VaBiti kudare sezvinodiwa nemutemo.

Mapurisa akakundikana kuunza munyori mukuru we MDC, VaTendai Biti, kudare redzhimhosva neneMuvhuro, uye neChipiri, sekutarwa kwakange kwaitwa nedare iri.

Irwin Chifera ataura nezvekusungwa kwaVaBiti nevashamarari veStudio7, Jonga Kandemiiri naBlessing Zulu

Zvichakadaro, magweta ari kumiririra Advocate Eric Matinenga, avo vakasarudzwa kumirira Buhera West muparamende, ari kuedza kutsvaga nzira dzekuti vabuditswe muhusungwa.

VaMatinenga vakasungwa mazuva gumi nemanomwe apfuura, vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga.

Magweta avo ari kuti mapurisa ari kuramba achitsvaga dzimwe mhosva dzekupomera VaMatinenga.

MDC, inoti kunze kwaVaMatinenga naVaBiti, vamwe vatsigiri veMDC vanosvika zviuru zviviri munyika mose, vari muhusungwa nenyaya dzezvematongerwo enyika.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro nerimwe remagweta aVaMatinenga, VaTrust Maanda, kuti tinzwe zviri kuitika panyaya iyi nedzevamwe vasungwa.


Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG