Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Kwete kuHurumende yeMubatanidzwa


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, varamba mashoko ekuti mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vakavakumbira ivo naVaMugabe, kuti sarudzo yemusi wa 27 Chikumi, isaenderere mberi kuitira kuti vaumbe hurumende yemubatanidzwa.

VaTsvangirai naVaMugabe vakasangana naVaMbeki neChitatu, masangano enhau akaburitsa nyaya yekuti VaMbeki vakakumbira vaviri ava kuti vaumbe hurumende yemubatananidzwa.

VaTsvangirai vaudza mutori wenhau weStudio7, Blessing Zulu, kuti VaMbeki mbune vakatotiwo havazivi kuti vangapedze sei dambudziko rakatarisana nenyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...


XS
SM
MD
LG