Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Inoenderera Mberi Kunyange Hazvo MDC Yati Yabuda Musarudzo


M Mhirizhonga inonzi iri kuramba ichitowedzera munzvimbo zhinji dziri munyika, kunyange hazvo VaTsvangirai vakati vabuda musarudzo yemutungamiri wenyika. Zvinonzi motokari mbiri dzapiswa masikati kuChimanimani, mushure mekunge vatyairi vadzo vanzi vatadza slogan yeZanu PF. Mumatunhu ose eBuhera, zvinonzi vanhu vari kuramba vachimanikidzwa kuenda kumisangano yeZanu PF, uye kushungurudzwa, vachinzi mashoko aVaTsvangirai ekuti vabuda musarudzo, ndeekuda kubata Zanu PF kumeso.

KuBindura South muWard 16, zvinonzi dzimba dzinopfuura gumi nesere dzakapazwa neSvondo manheru nevechidiki veZanu PF, vachibatsirwa nevakarwa hondo yerusununguko. KuMatobo kuMatebeland South, zvinonziwo vanhu vakawanda vakarohwa nezuro uye misha yakawanda yakaparadzwa.

Mumusha weMbare, vanhu vanonzi vari kuramba vachiburutsirwa midziyo panze vachinzi ndeveMDC.

Asi bato reZanu PF rinoti vatsigiri varo ndivo vari kutoshungurudzwa nevatsigiri veMDC. Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, svondo rapera vakati vane humbowo hwekuti MDC ndiyo iri kukonzera mhirizhonga, vakati izvi zvichaita kuti vasunge VaTsvangirai. Ukuwo mapurisa anoti mhirizhonga iri munyika yatodzikira zvakanyanya.

National Director weCatholic Commission for Justice and Peace, VaAlois Chaumba, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanoona mhirizhonga ichitowedzera sezvo vatsigiri veZanu PF vari kuita madiro aJojina.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG