Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Havana Chivimbo neHurumende yaVaMugabe


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti havasi kutambira nemoyo wese chivimbiso chavari kupihwa nemukuru wemapurisa, Police Commissioner General Augustine Chihuri, chekuti hurumende ichachengetedza hupenyu hwavo, kana vakabuda muhupoteri mavari.

VaTsvangirai vanoti pari zvino vachambogara pamuzinda weNetherlands muHarare, kunyange hazvo vachabuda nekupindana kwenguva, kana vanyatsoona kuti hupenyu hwavo hauchiri munjodzi.

Bato reMDC rakakumbira Netherlands neSvondo kuti imbochengetedza VaTsvangirai, sezvo bato iri riri kutyira hupenyu hwavo. MDC inotiwo yakakumbira vamwe vamiriri venyika dzemuAfrica muZimbabwe, asi havana kukwanisa kutambira VaTsvangirai, vachiti havadi kuonekwa sevari kutora mativi pagakava riri muZimbabwe.

MDC haina kutaura mazita enyika idzi. VaTsvangirai vakaenda kumuzinda weNetherlands mushure mekubuda pachena vachiti havasi kuzopinda musarudzo, sezvo nhengo dzavo dziri kupondwa, kurohwa, kupisirwa dzimba, pamwe nekushungurudzwa nevatsigiri vaVa Mugabe, avo vanosanganisira mauto, pamwe nevanozviti vakarwira hondo yerusununguko.

Bato reMDC rakazivisa Zimbabwe Electoral Commission neChipiri zviri pamutemo kuti VaTsvangirai havasi kupinda musarudzo iyi.

VaTsvangirai vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti vanotambira chisungo ceUnited Nations chekushora hurumende.

Mamwe mashoko atinawo anotiwo pane hurongwa hwehurumende hwekuda kusunga mutauriri waVaTsvangirai, VaGeorge Sibotshiwe, avo vakabuda munyika vachityira hupenyu hwavo.

Kunyange hazvo VaMugabe vari kuti vari kuenderera mberi nesarudzo, VaTsvangirai vanoti havapindi musarudzo ine ropa.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaBright Matonga, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio7 kuti sarudzo iri kuenderera mberi uye vakati VaTsvangirai hapana chavanofanira kutyira.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG