Accessibility links

Breaking News

Vanhu vanodarika Mazana Matatu  Vanopotera paMuzinda  weSouth Africa


Vanhu vanodarika mazana matatu vakaungana pamuzinda weSouth Africa muZimbabwe kubva neChitatu, vachitiza mhirizhonga. Masangano anopa rubatsiro ari kuita hurukuro nevashandi vepamuzinda uyu kuti vaone matanho angatorwa pakubatsira vanhu ava. Mamwe masangano anopa rubatsiro anonzi akapawo vanhu ava magumbeze pamwe nemvura yekunwa. Asi nyaya yechikafu ndiyo inonzi iri kunetsa pari zvino.

Munyori anoona nezvegwara muMDC, Amai Sekai Holland, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti masangano emachechi emunyika haana zvikuru zvaari kuita panyaya iyi sezvo ari kutyisidzirwawo nevatsigiri veZanu PF pamwe nemasoja.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7..

XS
SM
MD
LG