Accessibility links

Breaking News

Chamisa: MDC Haitambiri VaMugabe seMutungamiri weNyika


Bato reMDC rinoti harisi kuzotambira mashoko aVaMugabe ekuti MDC itange yabvuma kuti VaMugabe ndivo mutungamiri wenyika kutaurirana kusati kwatanga. VaMugabe vanoti bato reMDC rinofanira kuvaremekedza semutungamiri weZimbabwe akasarudzwa zviri pamutemo.

Asi mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vari kutiwo ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Hurumende dzeNigeria, Tanzania, Liberia, Ghana, Sierra Leone, Senegal, Kenya, Botswana nedzimwe dzabudawo pachena dzichiti hadzisi kuzotambira kusarudzwa kwaVaMugabe. Mashoko ari kubva kuTanzania anotiwo African Union haisi kutambira kugadzwa kwaVaMugabe semutungamiri wenyika. Asi izvi hazvina kunyatsojekeswa pakabuda AU nezvisungo pamusoro peZimbabwe kumusangano wakaitirwa kuEgypt.

Gurukota rinoona nezvekunze kweTanzania, uye vari sachigaro vedare remakurukota emuAfrican Union, VaBernard Membe, vakaudza vatori venhau neChina muTanzania kuti African Union haisi kutambira kusarudzwa kwaVaMugabe, nokudaro yakapa SADC basa rekuti nyaya yegakava reZimbabwe rigadziriswe.

Germany yatiwo ichatemera VaMugabe zvirango zvakaomarara. Nyika idzi dzinoti VaMugabe vakapinda musarudzo voga, mushure mekuponda pamwe nekushungurudza vanovapikisa, nekudaro hadzitambire zvakabuda musarudzo yaVaMugabe.

Doctor Sikhanyiso Ndlovu ndivo gurukota rezvekuburitswa kwemashoko.

VaNdlovu vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti kukunda kwaVaMugabe musarudzo yerunoff ndiko kwavari kutevedzera.

Zvichakadaro, hutungamiri hweMDC hwasangana muHarare kuti huzeye nyaya yenhaurirano pamwe neyekuti munyika moumbwa here hurumende yemubatanidzwa kana kuti Transitional Authority.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti National Council yavo yasunga kuti ipinde muhurukuro dzichaumba hurumende ichabata matomu kwenguva duku apo kunenge kuchi umbwa bumbiro remitemo idzva uye kupodza maronda ekupondana kuri kuitika munyika pari zvino.

Ukuwo nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, Professor John Makumbe, vaudzawo Ntungamili Nkomo weStudio7 kuti zviri kuda kurongwa naVaMugabe hazvitambirwi neveruzhinji.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG