Accessibility links

Breaking News

G-8 Inoramba Kutambira Kugadzwa kwaVaMugabe seMutungamiri weNyika


Nyika sere dzakabudirira, kana kuti G-8, neChipiri dzakabuda nechisungo chekuti hadzisi kutambira VaMugabe semutungamiri akasarudzwa nenzira kwayo.

Mugwaro rakabutritswa kumusangano wenyika idzi kuchitsuva cheHokkaido muguta re Toyako ku Japan, nyika idzi dzanoti dzinoshushikana zvikuru kuti VaMugabe vakaenderera mberi nesarudzo yemusi wa 27 Chikumi, kunyange hazvo munyika maiva nezvipingaidzo zvakawanda zvaipa kuti sarudzo iyi isaenderere mberi.

Zvipingaidzo izvi ndizvo zvakapa kuti mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vabude musarudzo iyi. G8 yatiwo ichatemera zvirango zvehupfumi kuvanhu vaikonzeresa mhirizhonga muZimbabwe, uye ichawedzera zvimwe zvirango kuna VaMugabe nevamwe vavo.

G-8 yatiwo iri kufara kuti African Union iri kuratidza chido chekugadzirisa gakava riri munyika, kubudikidza nekukurudzira kwairi kuita kuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa muZimbabwe.

Asi vatungamiri venyika idzi vatiwo, mukubatsira kuumba hurumende yemubatanidzwa, African union inofanirwawo kuona kuti zvakabuda musarudzo yemusi wa 29 Kurume, ndizvo zvinoiswa pamberi mukuyananisa gakava riri munyika.

VaTsvangirai ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika yakaitwa musi wa 29 Kurume, uye bato ravo ndiro rakatora zvigaro zvakawanda zveparamende. G-8 yatiwo United Nations inofanirwa kutuma nhumwa inoenda kuZimbabwe kunoongorora mamiriro akaita zvinhu, uye kuti nhumwa ye United Nations iyi, ibetserewo mukuyananisa gakava riripo pakati paVaMugabe naVaTsvangirai.

Nyika idzi dzakomekedzawo kuti hurumende inofanirwa kubvumidza masangano anopa rubatsiro, kuti aite basa rawo asingatyi. Nyika dziri mu G-8 dzinoti Russia, Germany, Italy, Britain, Canada, France, America neJapan.

America iri kukurudzirawo United Nations kuti itemere VaMugabe nevamwe vavo zvirango zvakaomarara.

Nyika dze G-8 dzati dziri kutsigira danho rakatorwa neAmerica. VaRejoice Ngwenya vanoongorora nyaya dzezve matongerwo enyika.

VaNgwenya vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti zvaitwa neG-8 zvinoratidza pachena kuti VaMugabe havasi kutambirwa semutungamiri wenyika nevanhu vakawanda.

Ukuwo mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vati vatambira nemufaro zviri kubva kuJapan. Vatiwo mashoko ari kutaurwa neZanu PF, ekuti pane kutaurirana kuripo, manyepo, uye veruzhinji vanofanirwa kunzwa zviri kutaurwa nebato ravo. VaTsvangirai vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti kutaurirana pakati pavo naVaMugabe, kuchatanga chete kana VaMugabe vamisa mhirizhonga, uye kana African Union yauya munyika kuzoyananisa gakava riripo.

Ukuwo mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, Va Arthur Mutambara, vanoti VaMugabe vakundikana, nokudaro panofanirwa kutaurirana pakati pemapato ose, kuitira kuti pave negwara rinofanirwa kutorwa nenyika. Mashoko aya atsinhirwawo naVaSimba Makoni, avo vanoti munyika munofanirwa kuva nehurumende inobata matomu kwemakore mashanu, kuitira kuti zvose zvinoda kugadziriswa, zvigadzirwe sarudzo dzekutsvaga hurumende itsva dzisati dzaitwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...
XS
SM
MD
LG