Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Yakawana Mimwe Mitumbi Yenhengo Dzayo Dzakapondwa


Apo nhanga nhaurirano pakati peMDC neZanu- PF dzapinda muzuva rechipiri, MDC yati mitumbi yenhengo dzayo dzakapondwa mumhirizhonga yezvematongerwo enyika iri kuramba ichiwanikwa.

Izvi zvinotevera kuwanikwa kwemutumbi waVaGift Mutsvungunu, neChina kuKuwadzana. VaMutsvungunu avo vaive polling agent webato iri vakange vave nesvondo vatsakatika. Bato iri rati riri kuongorora zvakare nezvemumwe mutumbi wakawanikwa mune chimwe chikomo kwaMutoko. MDC yati kusvika pari zvino nhengo dzayo dzinosvika zana negumi nenhatu dzapondwa mumhirizhonga.

Ukuwo sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rati nhengo dzaro dzichiri kuramba dzichi shungurudzwa munyaya dzezve matongerwo enyika, kunyange hazvo pave nenhaurirano pakati pemapato eMDC neZanu PF.

Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata mutungamiri wePTUZ vaTakavafira Zhou avo vati dzimwe nhengo dzavo kwaGutu kuMasvingo, dzakamanikidzwa nevechidiki veZanu PF kudya tsvina yadzo, muchiitiko chavati hachi tarisirwi muZimbabwe munguva ino.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG