Accessibility links

Breaking News

VaBakacheza Vanovigwa kuBanket


Mushandi weMDC, VaJoshua Bakacheza, avo vakapondwa masvondo matatu apfuura, vavigwa kumarinda eBanket, kuMashonaland West. VaBakacheza, avo vanga vava nemakore makumi maviri nemasere ekuberekwa, vakapambwa nevarume gumi nevatanhatu vakanga vakapakatira zvombo apo vaibatsira kutamisa mudzimai wemushakabvu Tonderai Ndira, uyo akapondwawo zvakare nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori veZanu PF.

Hutungamiri hwebato hunosanganisira mutevedzeri wemutungamiri weMDC, Muzvare Thokozani Khupe, munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa ezvematongerwo enyika, VaElias Mudzuri, nevamwe vashandi pamwe nenhengo dzebato iri, vaonekana nemushakabvu.

Jonga Kandemiiri weStudio 7 aita hurukuro nemushandi anoona nezvekuburitswa kwemashoko muMDC, VaLuke Tamborinyoka, avo vati vanhu vakawanda vaungana pakuvigwa kwemushakabvu, kunyange hazvo akafa nenzira inotyisa.

Zvichakadaro, bato reMDC kuManicaland rinoti mapurisa ari kutsvaga kanzura weWard 12, uye vari mubati wehomwe webato iri mudunhu reManicaland, VaBrian James. Bato iri rinoti mapurisa aya aenda kumahofisi aVaJames achida kuvaona, asi pavaudzwa kuti vanga vasipo, anonzi anga oda kusecha mahofisi aya.

VaJames ndivo vakasarudzwa nemamwe makanzura kuti vave meya weguta reMutare, kunyange hazvo pasati pagadzwa meya zviri pamutemo. Mutauriri weMDC kuManicaland, VaPishai Mucahuraya, vaudza Studio 7 kuti izvi zvinogona kunge zvaitirwa kuda kutadzisa VaJames kupinda pakugadzwa zviri pamutemo kwemakanzura uye panosarudzwa meya.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG