Accessibility links

Breaking News

VaMbeki naVaPing Voita Hurukuro Pamusoro peGakava Riri muZimbabwe


Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, pamwe naSachigaro veAfrican Union Commission, Va Jean Ping, vaita musangano neChishanu muPretoria, kuti vatsvage nzira dzinoita kuti hurukuro pakati peZANU-PF neMDC dzifambe zvakanaka.

Hurukuro pakati peMDC neZANU-PF dzakatombomiswa neChina, kuitira kuti vaviri ava vazeye chikumbiro cheMDC chekuti pave nemumwe muyananisi anobva kusangano reAfrican Union, kwete kuti VaMbeki vaite basa iri vega.

VaSydney Masamvu vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari senior political analyst muInternational Crisis Group. VaMasamvu vaudza Carole Gombakomba weStudio7 kuti zviri kuitika zviri kuratidza kuti MDC ine ruoko rwakasimba panhaurirano dziri pakatiopayo ne ZANU-PF.

Bato reMDC, harina kukwanisa kutaura nezvenyayaya. Ukuwo mutauriri weZANU-PF, VaNathan Shamuyarira vatiwohavana zvavanoziva nezvenhaurirano idzi.

Zvichakadaro, zvimwe zvizvarwa zvemuZimbabwe zvaratidzira neChishanu pedyo neInternational Convention Center muDurban, uko kune musangano wemakurukota emuSADC anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko mubazi rinoona nezvekunze kweSouth Africa, VaRonnie Mamoepa, vati musangano uyu uchange uchizeya nyaya yezviri kuitika muZimbabwe, kugadzirira musangano weSADC, uchaitwa muna Nyamavhuvhu.


Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG