Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi: Nhaurirano dzeMDC neZanu PF Dzichabereka Ani Chaizvo?


Nhaurirano pakati peMDC neZanu PF dziri kuenderera mberi kuSouth Africa, uko dziri kukokerwa nemutungamiri wenyika iyi, VaThabo Mbeki. Nhaurirano idzi dziri kutarisirwa kuunza runyararo munyika, kubudikidza nekuumbwa kwehurumende ichafanobata matomu, Transitional Authority, kana hurumende yemubatanidzwa, Government of National Unity.

Bato reZanu PF riri kuti nhaurirano idzi dzinofanirwa kucherechedza kukunda kwaVaMugabe musarudzo yerunoff, iyo isina kupindwa nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai. Bepanhau reHerald rinotiwo VaMugabe vari kuda kuitwa mutungamiri wenyika iyi ane masimba, uye izvi zvikasaitika, havasi kutambira zvinenge zvabuda munhaurirano idzi.

Ukuwo MDC yaVaTsvangirai iri kudawo kuti nhaurirano idzi dzicherechedze zvakabuda musarudzo yemusi wa29 Kurume. VaTsvangirai vakakunda VaMugabe musarudzo iyi, asi Zimbabwe Electoral Commission yakati VaTsvangirai havana kukunda zvine mutsindo sezvinodiwa nemutemo, izvo zvakapa kuti paitwe run off election. Vamwe vari kuti zvikwata zviri muhurukuro idzi, zvine vamwe vanhu vasina kusarudzwa musarudzo yapfuura, izvo zvinoita kuti vasaita hurukuro idzi vachitarisa zvido zveveruzhinji, asi kuti kuzvitarisa ivo kuti pane chavanowana here munhaurirano idzi, vasati vatarisa zvadzichanakira vamwe.

Vasiri mudare reparamende vari munhaurirano idzi, vanosanganirira gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, VaWelshman Ncube, pamwe nemutevedzeri wavo, Amai Priscillah Misihairambwi-Mushonga.

Vakasarudzwa kupinda mudare reparamende vari munhaurirano idzi, vanosanganisira munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, VaTendai Biti, pamwe nemutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma, uye gurukota rezve vashandi, VaNicholas Goche.

Mukutarisa zviri kuitika munhaurirano idzi, uye kuti chii chingatarisirwa kubva mukutaurirana kuri kuitika pakati peZanu PF neMDC, Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, pamwe na Programmes Officer weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPhilip Pasirayi, avo vanoti vanobvumirana nepfungwa yekuti paumbwe hurumende inofanobata matomu, zvinhu zvichigadziriswa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG