Accessibility links

Breaking News

Nhengo Mbiri dzeMDC Dzakapondwa Nhaurirano Dziri Mudariro


Bato reMDC rinoti mushure mekunge nhaurirano dzatanga kuSouth Africa, nhengo dzaro mbiri dzakapondwa nevatsigiri veZanu PF kuMashonaland East neMashonaland Central.

MDC inoti mutumbi waFungisai Ziome, uyo akapambwa kubva pamusha pake kuGlendale kuMazowe Central nemusi weChitatu svondo rapera, wakazowanikwa neMugovera wakakandwa mune rimwe sango kwakare kuGlendale uine mavanga ekupiswa uye kuchekwa chekwa.

Bato iri rinotiwo imwe nhengo yaro, VaKingswell Muteta, avo vaishanda semupurisa kuKadoma, vakashayira kuchipatara cheAvenues Clinic muHarare nemusi weSvondo, mushure mekurohwa zvakaipisisa nevatsigiri veZanu PF kuMudzi North. VaMuteta vakanga vaenda kuMudzi kunoona amai vavo vakanga varohwa nevatsigiri veZanu PF vachipomerwa mhosva yekutsigira MDC.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi. MDC inoti kufa kwenhengo dzayo mbiri idzi, kwasvitsa huwandu hwevanhu vakapondwa kubva pakaitwa sarudzo muna Kurume pazana nemakumi maviri nevaviri.

VaKubvoruno Choga ndivo munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa ezvematongerwo enyika muMDC kuMashonaland East. VaChoga vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti VaMuteta vavigwa murunyararo kumusha kwavo kuMudzi.

Zvichakadaro, mutauriri weMDC kuManicaland, VaPishai Muchauraya, vaudza Studio 7 kuti vari kutadza kutora nhengo dzavo makumi maviri nenomwe dzakakuvara zvakaipisisa mumhirizhonga kuBuhera South, sezvo nzvimbo iyi isiri kupindika nekuda kwemhirizhonga. VaMuchauraya vanoti vazhinji vevanhu ava vane maronda aipa zvakanyanya sezvo vasiri kurapwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG