Accessibility links

Breaking News

RBZ Yobvisa Mazero Gumi paMari, Uye Kuunza Mari Itsva


Bhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe rabvisa mazero gumi pamari yemunyika, uye rikaparura hurongwa hwekuunza mari itsva iyo ichatanga kushanda neChishanu. Banga iri ratiwo pamari itsva iyi, pachange paine mari yesimbi. Izvi zvinoreva kuti Z$10 billion inenge yava dhora rimwe chete.

Gavhuna we RBZ, VaGideon Gono, vati kubvisa kwavaita mazero pamari, kuchapa kuti vanhu varerukirwe kana vachinotora mari dzavo kumabhanga. VaGono vakwidzawo mari inotorwa kubhanga pazuva, kubva pa Z$100 billion pamari yekare, kusvika pa Z$2 trillion, mari yekare, iyo yave Z$200 zvichitevera kubviswa kwemazero gumi.

Sekutaura kuri kuita mutori wenhau dzeStudio7, Slyvia Manika, VaGono vati vane tarisiro yekuti nhaurirano pakati peMDC neZanu PF, dzichaita kuti zvinhu zvireruke munyaya dzehupfumi.

Ukuwo nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti kubvisa mazero kwaitwa nebhanga guru hakubatsire chinhu, kunze kwekurerutsira vanhu pakutakura mari yakawanda.

Doctor Godfrey Kanyenze ndivo mutungamiri veLabour And Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaKanyenze kuti tinzwe pfungwa dzavo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG