Accessibility links

Breaking News

European Union Inoti Hurumende Ngaimise Mhirizhonga


Kunyange hazvo chibvumirano chakanyoreranwa pasi nemapato matatu ezvematongerwo enyika cheMemorandum of Understanding, chichikurudzira kuti mapato aya akurudzire kumiswa kwemhirizhonga, MDC inoti nhengo dzayo dzichiri kuramba dzichishungurudzwa uye kupondwa.

Ukuwo sangano reEuropean Union rakurudzirawo kuti hurumende imise mhirizhonga sezvakanyoreranwa muchibvumirano ichi. Mukuru anoona nezvebudiriro pamwe nekupa rubatsiro mu E-U, Commissioner Louis Michel, vati vari kurwadzikana zvikuru nemhirizhonga pamwe nekutyisidzirwa kuri kuitwa vanhu muZimbabwe.

Makanzura eMDC anonzi akatadza kugadzwa kuGokwe Urban mushure mekunge vatsigiri veZanu PF vavhiringidza hurongwa uhu. Mune mamwe matunhu akaita seChimanimani, nhengo dzeMDC dzakanga dzatiza misha yadzo mumhirizhonga, dzinonzi dziri kurambidzwa kudzokera kumisha iyi nemasabhuku ayo ari kunzi ari kuti anoda tsamba yekwavakanga vari. Izvi zvinonzi zvaita kuti vanhu ava vadzokere zvakare kumahofisi ebato iri kwaMutare uko vanga vachigara nguva yose iyi.

Bato reMDC rinoti hapana zvikuru zviri kuratidza kuti bato reZanu PF riri kutora matanho panyaya iyi. Tatadza kubata mutauriri weZanu PF munyaya dzenhaurirano, VaPatrick Chinamasa, sezvo nhare yavo yanga ichingorira isngadairwi.

Vakafanobata chigaro chemutauriri weMDC, VaTapiwa Mashakada, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mapurisa anofanirwa kuita basa ravo kuitira kuti vanhu vatye kuita zvemhirizhonga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG