Accessibility links

Breaking News

VaMbeki Vanoti Vane Chivimbo Kuti Nhaurirano Dzichafamba Zvakanaka


Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vanoti vane chivimbo chekuti MDC neZanu-PF dzinokwanisa kunyorerana chibvumirano munguva pfupi inotevera.

VaMbeki vataura mashoko aya kuAngola, uko vaita hurukuro neChitatu nemutungamiri wenyika iyi, VaJose Eduardo Dos Santos, avo vanova zvakare sachigaro webazi reSADC rinoona nezvekudzivirirwa kwedunhu iri. Asi vari kuona zviri kuitika munyika vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munhaurirano idzi.

NeChipiri nhaurirano idzi dzakambomiswa sezvo VaMugabe naVaTsvangirai vakatadza kuwirirana panyaya yekuti ndiyani anenge aine masimba akawanda pakati pavo uye nyaya yebumbiro remitemo.

Bepanhau reHerald rinotiwo VaMugabe naVaMutambarav ari kuwirirana. Herald inoti VaMugabe vave kugadzirira kudoma dare idzva remakurukota. Asi munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, vayambira kuti VaMugabe vakaita izvi, vanenge vabuda munhaurirano sezvo paine chisungo chekuti pasadomwe dare idzva remakurukota nhaurirano dzisati dzapera.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vakazvipira kuti nhaurirano idzi dzienderere mberi kuitira kuti matambudziko akatarisana nevanhu munyika apere.

VaTsvangirai vatiwo vakapinda munhaurirano idzi, kuitira kuti munyika muve nehurongwa hwekugadzirisa zviri kunetsa. Vatiwo zviri pachena kuti kutaurirana uku hakusi nyore, asi bato ravo richaita zvarinokwanisa mukugadzirisa zviri kunetsa.

Vatiwo zviri kunetsa munyika, zvakakonzerwa neZanu-PF iyo, iri kutadza kutonga, uye iri kupa kuti vanhu vanopfuura mamiriyoni mashanu, vashaye zvekudya.

NeChipirii VaTsvangirai vakaita misangano nemasangano akazvimirira, vachivaudza mamiriro akaita zvinhu munhaurirano idzi.

VaCharles Mangongera nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika.

Vamangongera vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti VaMbeki vanokwanisa kubudirira kana vakashanda nevamwe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG