Accessibility links

Breaking News

MDC Yobata Matomu Mudare reParamende


Sachigaro weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaLovemore Moyo, vakasarudzwa neMuvhuro kuva mutauriri weHouse of Assembly. VaMoyo vaita nhengo yekutanga kubva kubato rinopikisa kutora chigaro ichi kubva nyika yawana kuzvitonga muna 1980.

VaMoyo vakakunda VaPaul Themba-Nyathi, avo vakadomwa nehutungamiri hweMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, kuti vave mutauriri weparamende. VaMoyo vawana mavhoti zana negumi, 110 votes, VaNyathi vakawana mavhoti makumi mapfumbamwe nesere, 98 votes, kubva pavanhu mazana maviri nevasere vanga vari muparamende vakavhota neMuvhuro.

Zanu-PF yanga iine vanhu makumi mapfumbamwe nevasere muparamende, 98 MPs,
MDC yaVaTsvangirai yanga iine vanhu makumi mapfumbamwe nevapfumbamwe, 99 MP's, sezvo imwe nhengo yaVaTsvangirai yatadziswa kuvhota nemapurisa. MDC yaVaMutambara yanga iine vanhu gumi vanga vari muparamende.

Zanu-PF haina kudoma munhu kuti ave mutauriri weparamende, sezvo panga paine chibvumirano chekuti Zanu-PF, ichatsigira VaNyathi vekuchikwata chaVaMutambara, votadzisa VaMoyo kuwana chigaro ichi.

Pava nekupumhana huroyi muZanu-PF, nemuMDC yaVaMutambara, kuti ndiyani mumapato aya aita kuti VaMoyo vakunde VaNyathi nemavhoti gumi nemaviri, kana vanhu veMDC yaVaTsvangirai, vanga vari makumi mapfumbamwe nevapfumbamwe chete muparamende.

VaMoyo vakaberekerwa kuMatobo mugore ra1965, vakasiya chikoro vaine makore gumi nemaviri, vachienda kuZambia kunorwira rusununguko rwenyika, vari kudivi reZapu, iyo yaitungamirwa namuchakabvu Joshua Nkomo.

VaMoyo vakasarudzwa senhengo yeparamende inomirira Matobo muna 2000, vakasarudzwa zvakare muna 2005 kumirira dunhu iri.

VaMoyo munhu anozivikanwa zvikuru munhoroondo yeMDC, uye vakasungwa kakawanda nehurumende yaVaMugabe vachiita zvematongerwo enyika vari pasi peMDC inotungamirwa naVaTsvangirai.

Mutauriri weMDC yaVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti bato ravo harisi kuzoenda kuparamande parichavhurwa zviri pamutemo naVaMugabe neChipiri, nekuti havatendi kuti VaMugabe vakasarudzwa zviri pamutemo.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMutambara, VaEdwin Mushoriwa, vanoti vari kuzoenda kudare reparamende neChipiri parichavhurwa naVaMugabe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG