Accessibility links

Breaking News

Salamao: SADC Haina Kupa VaMugabe Masimba eKudoma Makurukota


Sangano reSADC razivisa neChina kuti manyepo mashoko ekuti sangano iri rakapa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mvumo yekuti vadome dare remakurukota.

VaMugabe pamwe nemutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaBright Matonga, vanoti dare remakurukota richadomwa naVaMugabe, sezvo SADC yakapa VaMugabe masimba ekuita izvi.

Asi munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salamao, vaudza Studio 7 kuti hachisi chokwadi kuti SADC yakati VaMugabe vanokwanisa kuumba dare remakurukota.

Pamusangano wevatungamiri veSADC wakaitirwa muSouth Africa, vatungamiri venyika idzi vakati paramende yemuZimbabwe inogona kuita basa rayo, apo nhaurirano dzinenge dzichiienderera mberi. Kanawo mashoko akaburitswa nesangano iri mushure memusangano weSADC, anoratidzawo kuti Zimbabwe yakakurudzirwa kuti dare reparamende riite basa raro, apo gakava rezve matongerwo enyika rinenge richigadziriswa.

MDC inoti zano ndega yeZanu-PF inogona kukanganisa nhaurirano idzi, idzo dziri kutarisirwa kutanga neChishanu muPretoria kuSouth Africa.

MDC iri kutarisirwa kutanga nekupa VaMbeki tsamba yenyunyuto inotaura nezvekugadzwa kwedare reHouse of Assembly neSenate, kusungwa kwenhengo dzavo dzeparamende, uye nyaya yaVaMugabe yekuda kudoma dare remakurukota.

VaSydney Masamvu vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika musangano reInternational Crisis Group kuchamhembe kweAfrica.

VaMasamvu vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaMugabe havana kuzvipira panyaya yenhaurirano.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudo7...

XS
SM
MD
LG