Accessibility links

Breaking News

Nhaurirano Pakati peMDC neZanu-PF Dzinotangazve


Nhaurirano pakati peZanu-PF nemapoka maviri eMDC dzatangazve muPretoria. Izvi zvaburitswa pachena negurukota rezvekunze kweSouth Africa, VaAziz Pahad, pamusangano wavaita nevatori venhau muPretoria neChishanu.

Mutori wenhau dzeStudio 7, Benedict Nhlapho, anoti VaPahad vatiwo SADC haina kubvumidza VaMugabe kuumba dare remakurukota voga.

Zvichakadaro, mashoko anoti VaMbeki vatanga nhaurirano nekurukura nemapato ose rimwe nerimwe.

VaMbeki vanonzi vange vachida kuona kuti vangafambire mberi sei nehurukuro idzi. Zvikwata zviviri zveMDC zvatanga nekuratidza kusafara nekuda kudomwa kwedare remakurukota naVaMugabe.

MDC yaVaTsvangirai yatiwo haisi kufara nekusungwa uye kubatwa neseri kweruoko kwenhengo dzedare reparamende dzayo, uye kuvhurwa kwedare iri naVaMugabe vasina kunge vasumawo vamwe.

Asi veMDC yaVaMutambara neZanu-PF vanonzi vaudza VaMbeki kuti vari kufara nemasimba akapihwa VaTsvangirai kusvika pari zvino.

Asi chikwata chaVaTsvangirai chinoti VaMugabe ndivo vachingori vakabata matomu uye hapana chachinja.

VaPhilip Pasirayi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition. VaPasirayi vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaMugabe havana kuzvipira munhaurirano.

Zvichakadaro VaTsvangirai vange vachiitawo misangano nevamiriri vekune dzimwe nyika, pamwe nevemachechi.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaTsvangirai vari kuda kuti vemasangano aya vazivewo zviri kuitika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG