Accessibility links

Breaking News

Nhaurirano Pakati peZanu-PF neMDC Dzopinda Muzuva reChitatu


Mutungamiri weSouth Africa, uye vari mutongi gava panyaya yeZimbabwe, VaThabo Mbeki, vapinda muzuva retatu vachiedza kuti mapato maviri eMDC, pamwe neZanu-PF, anyorerane chibvumirano.

Nyaya yekuti masimba emutungamiri wehurumende neemutungamiri wenyika anenge akamira sei, pamwe nenyaya yekuti vanoshanda vose kwemakore mangani, ndiyo ichiri kutemesa VaMbeki musoro.

Asi zvinonziwo nyaya yaVaArthur Mutambara yekuti vaitwe mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, inenge yava kunetsawo.

Kusabvumirana uku kwapa kuti musangano weSADC Troika wange uchitarisirwa kuitwa kuSwaziland neChitatu, umbomiswa.

Executive Secretary weSADC, VaTomaz Salamao, vaudza Studio 7 kuti vakamira negumbo rimwe kuSwaziland sezvo VaMbeki vakakumbira nguva yekuti vamboyedza kupedza nyaya iyi.

Mutori wenhau weStudio 7, Thomas Chiripasi, uyo ange ari paRainbow Towers Hotel, anoti vamwe vakuru vemapato aya vaswera vakamira panze vachimirira kusumwa nezvenhaurirano idzi.

Asi VaTapera Kapuya, gweta uye vari Coordinator weNCA kuSouth Africa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti zviri kuda kuitwa naVaMbeki kuti VaMugabe naVaTsvangirai vashande vose zvinonetsa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7....

XS
SM
MD
LG