Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Chibvumirano


Vemakereke vanoti vafadzwa zvikuru nekunyorerana pasi kwechibvumirano ichi, sezvo vachiti izvi zvichaunza runyararo munyika.

Nhengo yeEvangelical Fellowship of Zimbabwe, Pastor Alexander Chisango, vaudza mutori wenhau weStudio 7 Carole Gombakomba kuti mhuri dzakawanda, dzange dzaparadzaniswa nezvematongerwo enyika, naizvozvo vave kutarisira kuti izvi zvichabatanidza vanhu munzvimbo dzavakagara.


Carole Gombakomba weStudio7 aitawo zvakare hurukuro naReverend Ray Motsi, mutauriri weChristian Alliance, avo vanoti kunyange hazvo vasina kupindawo muhurukuro dzanga dziri pakati pe MDC ne ZANU-PF vari kutambira nemufaro chibvumirano ichi.


Zvichakadaro, vanoongorora zvematongerwo enyika, vari kuzeyawo zvinoreva chibvumirano ichi. Vamwe vanoti totenda maruva tadya chakata, vamwewo vachiti izvi ndizvo zvichaita kuti matambudzoko ari munyika agadziriswe.

Carole weStudio7 aita zvakare hurukuro na Doctor Temba Shonhiwa, avo vanodzidzisa paUniversity of Wit Watersrand. VaShonhiwa vanoti chibvumirano ichi chinhu chakanaka munyika, asi vayambira kuti panoda nguva yakati rebei yekuti vatungamiri ava vaongororere kuti zvakanakira nyika ndezvipi.

Dzimwe nhau kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG