Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanokundikana Kuuya kuMusangano weKuzeya Nyaya yeMakurukota


Mutungamiri weZanu-PF, VaRobert Mugabe, vanonzi vakundikana kuve pamusangano wavange vachifanirwa kuita nevatungamiri veMDC, VaMorgan Tsvangirai, uye VaArthur Mutambara.

VaMugabe vanonzi vakumbira kuti musangano uyu umbomira kuitira kuti vaite misangano nebato ravo pamusoro pemaumbirwo edare remakorukota, pamwe nehurumende itsva.

VaMugabe, VaTsvangirai naVaMutambara vanga vachifanirwa kusangana neChipiri kuti vagadzirise nyaya yekugovanwa kwemapazi ehurumende, uye kugadzirisa gakava riripo panyaya dzemagavhuna.

Vane ruzivo nezviri kuitika muZanu-PF vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato iri, zvichitevera chibvumirano chakanyoreranwa neMuvhuro.

NeChipiri, Zanu-PF yakaita musangano wePolitiburo, neChitatu inonzi ichaita musangano weCentral Committee, yozoitawo musangano weNational Consultative Assembly neChina

Vamwe muZanu-PF vanoti havatenderani zvachose nechibvumirano ichi. Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti kana VaMugabe naVaTsvangirai naVaMutambara vakabvumirana kuti ndiyani achatora zvigaro zvipi mudare remakurukota, VaMugabe vachazogadza VaTsvangirai semutungamiri wehurumende, pamwe nemakurukota aya, kunyange ikugadzwa kwaVaTsvangirai kuchange kuri kunze kwebumbiro remitemo yenyika.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti kuvandudza bumbiro remitemo kuburikidza ne Constitutional Amendment Number 19, kunotora mwedzi miviri, izvo zvakapa kuti muchibvumirano chakanyorwa, VaMugabe vapihwe masimba ekudoma dare remakurukota, mutemo wozogadziriswa.

Mutori wenhau dzeStudio7, Blessing Zulu, aita hurukuro naVaJoram Gumbo veZanu-PF avo varamba mashoko ekuti mubato mavo maita bopoto.

Ukuwo mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaNelson Chamisa, vanotiwo vane chivimbo chekuti dare remakurukota richagadzwa nechimbichimbi.

Mutauriri wechimwe chikwata cheMDC, VaEdwin Mushoriwa, vaudzawo Blessing Zulu kuti nyaya yekuti pane dare remakurukota rakatoumbwa kare ndeye mugotsi matsuro.

Dzimwe Nhau kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG