Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Munyaya dzeHupfumi Dzinoti Hurumende yeMubatanidzwa Yakakurisa


Apo nyika yatarisira kutanga kushanda kwehurumende yemubatanidzwa, veruzhinji vari kutarisira kugadzikana kwenyaya dzeupfumi hwenyika. Asi vamwe vari kuchema chema nehuwandu hwenhengo dzichange dziri muhurumende, sezvo mari yakawanda, ichaperera kuvanhu ava. Hurumende itsva ichange iine makurukota makumi matatu nemumwe chete, uye vatevedzeri vemakurukota aya gumi nevashanu.

Dare reseneti rinonzi richava nemamwe maseneta matanhatu achawedzerwa, kuitira kuti vezvematongerwo enyika vagovane zvigaro izvi. Izvi zvinoreva kuti dare reseneti richange riine maseneta zana nemaviri.

Bazi repamusoro soro rehurumende, kana kuti Executive Branch, richange riine vanhu vatanhatu, vanoti VaMugabe nevatevedzeri vavo vaviri, pamwe naVaTsvangirai nevatevedzeri vavo vaviri. Dare reparamende rine nhengo mazana maviri negumi.

Izvi zviri kupa hurumende itsva mutoro mukuru, sezvo vanhu vose ava, vachange vachibhadharwa nemari dzehurumende, vamwe vacho vachitengerwa dzimotokari itsva. Zimbabwe haisati yamboita bhajeti yekubhadhara mari vatungamiri munyaya dzematongerwo enyika yakakura kudarika ichange iine hurumende yemubatanidzwa.


Vamwewo vari kukurudzira hurumende itsva iyi kuti ikasike kushanda zvakanaka nemasangano ekunze anopa rubatsiro akaita seInternational Monetary Fund neWorld Bank.

Ukuwo sangano reInternational Monetary Fund, rakazivisawo neMuvhuro kuti rakagadzirira kukurukura nehurumende itsva iyi, mukuedza kugadzirisa upfumi hwenyika.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vari kuita zvidzidzo zvepamusoro soro paKeller Graduate School of Management kuChicago, muno muAmerica, VaLeonard Marimbe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 avo vati mapato aya anofanirwa kushanda pamwe chete kuitira kuti masangano anobatsira aya akasike kupinza rubatsiro.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG