Accessibility links

Breaking News

ANC Inodoma VaMotlanthe Kuti Vatungamirire South Africa


Bato reANC muSouth Africa radoma mutevedzeri wemutungamiri webato iri, VaKgalema Motlanthe, kuti vafanobata matomu ekutonga nyika zvichitevera kusiya basa kwaita naVaThabo Mbeki.

VaMbeki vakatora danho rekusiya basa zvichitevera chisungo chakabuda nebato ravo, chekuti vasiye basa iri.

Izvi zvava kureva kuti dare reparamende muSouth Africa, richagara pasi kuti rodome munhu achatora chinzvimbo chasiiwa naVaMbeki. Kudomwa kwaVa Motlanthe kunoratidza kuti kuchava nyore sezvo ANC iine nhengo dzakawanda mudare iri.

Chief whip veANC muparamende, VaNathi Mthethwa, vanoti kusiya basa kwaVaMbeki kunofanirwa kutanga nemusi weChina.

VaMthethwa vakataura mashoko aya mushure mekunge mutauriri weparamende, Amai Baleka Mbete, vaverenga zviri pamutemo neMuvhuro muparamende, tsamba yaVaMbeki yekusiya basa.

Munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salamao, vanoti nyaya yekuti VaMbeki voramba vari mutongi gava here kana kuti kwete panyaya yegakava riri muZimbabwe, ichataurwa neSADC Troika kana yapirwa zviri mugwara nehurumende yeSouth Africa, kuti VaMbeki havachisiri pachigaro.

Asi munyori mukuru weANC, VaGwede Manthashe, vaudza Studio 7 kuti nyaya yaVaMbeki yekuva mutongi gava iri kuSADC, sezvo iri iyo yakadoma VaMbeki kuti vaite basa iri.

Asi vakuru muMDC neZanu-PF vaudza Studio 7 kuti nyaya yekusiya basa kwaVaMbeki, ichakanganisa zvikuru nyaya yenhaurirano.


VaGlen Mpani vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMpani vanotiwo kusiya basa kwaVaMbeki kuchakanganisa zvikuru nyaya yekugadzirisa dambudziko remunyika sezvo vanenge vasisina chiremera chavainge vainacho semutungamiri wenyika.

Zvichakadaro, nhaurirano pakati peMDC neZanu-PF panyaya yedare remakurukota dzichiri dzakaita mangange.

Vakuru munhaurirano idzi vanoti vave kumirira VaMugabe kuti vadzoke kumusangano weUnited Nations, kuti vayedze kugadzirisa nyay iyi. Zvinonzi vaiyananisa vakamirira mapato vakapa kurudziro kuvakuru vavo vemapato aya kuti vazeye nyaya iyi.

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti nhaurirano idzi dzave kunetsa sezvo mapepanhau ehurumende ari kuenderera mberi achinyomba bato ravo.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...

XS
SM
MD
LG