Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai naVaMugabe Vanotadza Kuwirirana paNyaya yeMakurukota


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakasangana neChipiri nemutungamiri wehurumende akamirira kugadzwa zviri pamutemo, VaMorgan Tsvangirai, kuZimbabwe House, uko vanonzi vakurukura nyaya yekugovanwa kwemapazi ehurumende, pamwe nemaumbirwo ehurumende yemubatanidzwa.

Asi mashoko atiri kutambira anoti vaviri ava vanonzi vatadza kuwirirana zvachose pakugovana mapazi akakosha. VaMugabe vanonzi vari kuda kuti mapazi ose anokosha ari pamusoro apihwe kunhengo dzeZanu-PF, MDC yozotora mapazi anenge asara, ayo asina chiremera.

Vachitaura vari kuNew York neChina kumusangano weUnited Nations General Assembly, uye pavakasvika panhandare yendege muHarare neMuvhuro, VaMugabe vakati hurumende yemubatanidzwa ichagadzwa nechimbi chimbi.

Mashoko aVaMugabe anoteverawo kurudziro yakaitwa naVaTsvangirai neMugovera, avo vakati hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kugadzwa nechimbi chimbi, kuitira kuti igadzirise zviri kunetsa munyika.

Asi mamiriro aita zvinhu munyaya iyi, anoratidza kuti VaMugabe havasi kudzamisa chibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa.

Studio7 yakundikana kubata veZanu-PF kuti tinzwe divi ravo. Asi mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaMugabe vari kuita zvenhafu pakugoverana zvigaro vachibata MDC semubvandiripo.

Blessing Zuku weStudio7 aitawo hurukuro naVaBriggs Bomba, Associate Campaigns Director vesangano reAfrica Action, uye vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, avo vanoti kunonoka kudoma dare ramakurukota kuri kukanganisa zvikuru vanhu avo vave kunonga svosve nemuromo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG