Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKushomeka kweMari Yonetsa Zvikuru


Hurumende svondo rino yakawedzera mari inotorwa mubhanga kubva paZ$1,000
kusvika pa Z$20,000 pazuva. Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe rakabva raparurawo mari itsva ye Z$10,000 ne Z$20,000.

Asi zvose izvi zvinenge zvakona n’anga murapwa achida nekuti dambudziko rekushomeka kwemari, riri kutoramba richinyanya. Vanhu vakawanda vanoti vari kurara mumitsetse vachida kutora mari dzavo mumabhanga.

Iko zvino kune vakawanda rava dambudziko rekuti mwana atsva dumbu, mai vatsva musana, sezvo pakawedzerwa mari inotorwa nevanhu mumabhanga pazuva, mitengo yezvinhu yakabva yawedzerwawo zvakanyanya. Chikafu chacho chiri kushaikwa munyika.


Vamwe vanoti izvi zviri kukonzerwa nehutongi hwaVaMugabe hwauraya nyika. Asi VaMugabe nehurumende yavo vanoti zvirango zvavakatemerwa nevekunze, ndizvo zviri kupa kuti vanhu vayaure. Vane njere dzakapinza vanotiwo n’anga inoona ndiyo yabata zvaunoda.

Mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu aita hurukuro nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaProsper Chitambara, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro paBirmingham University, pamwe nenyanzvi munyaya dzehupfumi, VaLuxon Zembe, kuti tinzwe pfungwa dzavo panyaya yezviri kuitika pamari.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG