Accessibility links

Breaking News

VaMugabe, VaTsvangirai naVaMutambara Vokoka VaMbeki Kuzoyananisa


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaita musangano neChishanu naVaMorgan Tsvangirai, avo vakamirira kudomwa semutungamiri wehurumende yemubatanidzwa, uye VaArthur Mutambara, avo vakamirirawo kudomwa semutevedzeri waVaTsvangirai.

Vatatu ava vasangana kuZimbabwe House asi havanazve kuwirirana kuti vopatsanura sei mapazi ehurumende, pamwe nemagavhuna.

Mushure mekutadza kuwirirana, vatatu ava vawirirana kuti vakwidze gakava riripo kumutongi gava, VaThabo Mbeki, avo vaimbova mutungamiri wehurumende yeSouth Africa.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC inotungamirwa naVaTsvangirai.

VaChamisa vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti zvekutaurirana zvakona n'anga murapwa achida.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, VaEdwin Mushoriwa vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti vanotarisira kuti Mbeki vachauya mukutanga kwesvondo rinouya.

Mumiriri weZimbabwe kuUnited Nations, VaBoniface Chidyausiku, vanoti Zimbabwe inokwanisa kugadzirisa dambudziko iri asi iri kukanganiswa nenyika dzakaita seBritain dziri kuramba dzakaitemera zvirango.

Muzvare Teressa Mugadza igweta uye vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. Muzvare Mugadza vaudzawo mutori Blessing Zulu kuti kunonoka kuwirirana panyaya yedare remakurukota kwakonzera kutambudzika kwevanhu munyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG